Mhando yedziwa iri kuongororwa

28 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
Mhando yedziwa iri kuongororwa

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana riri mushishi kutsvagurudza mviro-mviro yechirwere chedziwa chiri kutekeshera mune zvimwe zvikoro mushure mekunge ongororo yakaitwa yaratidza kuti hurwere uhu haunei nechekuita neCovid-19.

Kuvandudzwa kwemidziyo nezvimwe zvekushandisa muchikamu chezveutano kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19 kuri kuita kuti nyanzvi dzezveutano dzikwanise kuziva nekukasika mamiriro ezvinhu maringe nekunyuka kana kupararira kwedenda iri.

Dr Raiva Simbi, avo vanova imwe yenyanzvi dzezveutano dzinopanga mazano kuHurumende pamusoro peCovid-19, vanotsinhira kuti ongororo yakaitwa pamusoro pechirwere chedziwa chiri kubata vamwe vanhu munyika inoratidza kuti hachidyidzane neCovid-19.
“Tiri kuita ongororo pamusoro pechirwere chedziwa icho chakanyuka kune dzimwe nzvimbo dzenyika nechinangwa chekuti tizive kuti tingachipedze sei. Munotondera kuti chirwere ichi chinonzi chakanyuka paNashville High, kuGweru, ongororo yakaitwa ikaratidza kuti haizi Covid-19. Iye zvino tave kuda kuziva mviro-mviro yechirwere chedziwa ichi,” vanodaro Dr Simbi.

“Nyaya dzevari kubatwa neCovid-19 dziri kudzikira chinove chiratidzo chakanaka, asi sezvandambotaura, tinoda kuziva kuri kubva denda redziwa iri.
“Vanhu havafanirwe kuvhunduka, hutachiona huri kudzivirirwa kupararira kwaho, asi tinoda kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho ose ekudzivirira Covid-19 kuitira kuti pasave nenjodzi yekupararira kwechirwere ichi.

“Muzvikoro, tinofanirwa kuramba takangwarira, vana varambe vachitevedzera matanho aya.
“Avo vasati vabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 vanokurudzirwa kuti vabaiwe. Majekiseni aya akaongororwa nenyanzvi ndokuonekwa kuti anobatsira kudzivirira hutachiona uhu,” vanodaro.

Svondo rino, dare reCabinet rakati riri kusimbaradza kutevedzwa kwematanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 zvichitevera kushaya hanya kuri kuitwa nevamwe vanhu, zvikuru muzvikoro zvakazvimirira, kutevedza mitemo iyi.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti kunyangwe zvazvo huwandu hwevari kubatwa neCovid-19 muzvikoro huri kudzikira, kufamba-famba hakuzi kutenderwa munzvimbo dzekudzidzira idzi.

“Kufamba-famba kwevadzidzi vebhodhingi pamwe nekusatevedzwa kwematano eStandard Operating Procedures (SOPs) ekudzivirira kutapurirana Covid-19 nezvimwe zvirwere zvedziwa muchikamu chedzidzo yepuraimari nesekondari kuri kubatsirawo mukunyuka kwezvirwere muzvikoro,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

“Zvakaonekwa kuti zvimwe zvikoro zvakazvimirira hazvisi kutevedza zvizere mutemo weEducation Act seumboo huripo apo zviri kutendera vabereki kuti vambotora vana vachienda navo kudzimba pavanenge vasiri kudzidza panguva ino yekurwisana Covid-19 nekudaro pachave nekusimbaradzwa kwemutemo wePublic Health Act nechinangwa chekumisa kufamba-famba kwevadzidzi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>