Kwayedza
PRESIDENT Mugabe nemudzimai wavo First Lady Amai Grace Mugabe vaine gurukota reutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, nemachiremba akaratidza humhare, vachiyeva mapatya (siamese twins) ayo akazvarwa akabatana mushure mekunge vapatsanhurwa nechikwata chemadhokotera emunyika muno musi wa29 Chikunguru 2014 paHarare Central Hospital.
Aka kakava kekutanga zvakadai zvichiitika muZimbabwe. Mapatya aya akazvarwa akabatana nechepachipfuva nepadumbu uye akange achishandisa chiropa chimwe chete asi ndokuzopatsanurwa zvakanaka.