Mhirizhonga yamisa mitambo yePSL

16 May, 2022 - 17:05 0 Views
Mhirizhonga yamisa mitambo yePSL Kennedy Ndebele

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League inoti yambomisa mitambo yose yenhabvu yeCastle Premiership nekuda kwemhirizhonga iyo iri kukonzera kuti mimwe mitambo isapere zvakanaka.

Danho iri rinotevera mhirizhonga yakaitika kunhandare yeBabourfields kuBulawayo nemusi weSvondo pamutambo weHighlanders neDynamos izvo zvakaona mutambo uyu uchitadza kupera.

Muchinyorwa, chamangwiza wePSL – Kennedy Ndebele – anoti vamisa mitambo zvichitevera kuwanda kwenyaya dzemhirizhonga.

“Nekuda kwemhirizhonga iyo iri kuitika kumitambo yakasiyana, izvo zviri kuzosvibisa nhabvu yedu, tatora danho rekuzivisa kuti mitambo yose yePSL yambomiswa. Tichazokuzivisai kuti ichadzoka rinhi.

“Iye zvino tave kuita hurukuro nevanochengetedza mutemo vanosanganisira Zimbabwe Republic Police (ZRP), vanochengetedza mitemo kuzvikwata zvakasiyana nevaridzi venhandare kuti titsvage nzira dzekupedza mhirizhonga iyi.

“Tinotora mukana uno kukumbira ruregerero kuvatsigiri, vakotsveri vedu nevose vane chekuita nenhabvu. Tinovimbisa kuti tichagadzirisa nyaya iyi,” anodaro Ndebele.

Mhirizhonga yakaitika kuBabourfields pamutambo weHighlanders neDynamos nemusi weSvondo wadarika

Anoti iye zvino vazivisa zvikwata zveHighlanders neDynamos kuti vavanyorere vachitsanangura kuti zvakafamba sei musi weSvondo wadarika.

Mhirizhonga iyi yakaona vatsigiri vezvikwata zviviri izvi vachipinda munhandare mutambo usati wapera zvikakonzeresa kuti umiswe apo Bosso yainge yakatungamira 1-0.

Masvondo adarika kuMandava Stadium kuZvishavane, mutambo weFC Platinum neHighlanders wakatadza kupera zvekare zvichitevera mhirizhonga apo FC Platinum yainge yapihwa pena.

Vatsigiri veBosso vakapinda munhandare vachinyunyuta.

Share This:

Sponsored Links