Uncategorized

Mhirizhonga yawanda munguva yeCovid-19

31 Mar, 2022 - 08:03 0 Views
Mhirizhonga yawanda munguva yeCovid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reUnited Nations Population Fund (UNFPA) rinoti nyaya dzine chekuita nekunyuka kwezvirwere zvakaita seCovid-19, HIV necholera uye kusanduka kwemamiriro ekunze ndezvimwe zviri kukonzera kushungurudzika pamwe nekumbuyikidzwa kwemadzimai nevanasikana vachipedzisira vave nematambudziko eutano hwesikarudzi.

Izvi zvakabuda pamusangano wemazuva maviri wakaitwa nesangano iri pamwe nevatori venhau muHarare uchitsigirwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) wekunzvera honzeri yematambudziko eutano hwesikarudzi, mhirizhonga, HIV uye matanho angatorwe kupedza matambudziko aya.

“Kana tikatarisa matambudziko akadai sekukwira kwemitengo yezvinhu, kusanduka kwemamiriro ekunze nekunyuka kwezvirwere zvakadai seCovid-19 tinoona kuti vatori venhau vane basa guru rekuzivisa veruzhinji mamiriro ezvinhu nemazvo kuti vabatsirike,” vanodaro Dr Babatunde Osotimehin vanova UNFPA executive director.

Vanoti vese vanenge vawirwa nemhirizhonga vakasununguka kutsvaga rubatsiro kumapazi anobatsira uye kumhan’ara nyaya idzi kumapurisa kuti dziongororwe sezvo zvichibatsira kuti mhirizhonga isarambe ichienderera mberi.

“Kune nyaya dzemhirizhonga dzakawanda idzo dziri kuitika munharaunda asi dzichivanzurudzwa nenhau yedzimwe tsika nemagariro zvakaipa apo vamwe vanhu vanosarudza kuripirana pamhosva inenge ichifanira kuenda kumapurisa uye anenge ambunyikidzwa wacho haana chaanowana,” vanodaro.

Dr Dagmar Hanisch vanova technical specialist wezveHIV neutano hwesikarudzi kusangano reUNFPA muZimbabwe vanoti kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwadzosera kumashure zvirongwa zvekurwisa kupararira kweHIV neAIDS.

“Denda reCovid-19 ndiro rimwe rava kudzorera kumashure zvakanyanya hurongwa hwekurwisa HIV munyika, zvikuru kubvira pakatanga chirwere ichi muna2020. Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakaisa mamwe matanho ekurwisa HIV.

“Zvinangwa zviri zvekuderedza huwandu hweHIV muZimbabwe nechikamu che50 percent kubva pa0.5 percent muna2018 kuenda pasi pe0.25 percent panosvika 2025,” vanodaro.

Zvakaonekwa kuti vanasikana vane chikamu che17 percent, avo vachiri kuyaruka vane makore 15-19 okuberekwa, vakaroorwa vasati vabva zera (MICS 2019).

Pasi rose, zvakaonekwa zvakare kuti kuroodzwa kwevanasikana vane makore 15-19 ekuberwa kuri pamberi zvichiita kuti vazhinji vawanikwe vachifa nokuda kwezvigozhero zvinowanikwa panguva yekubara, pakati pezvimwe (Global Health Science and Practice).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>