‘Mhofu anoita’

28 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Mhofu anoita’ Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka
VARAIRIDZI vakasiyana vezvikwata zvinokwikwidza muCastle Premiership vanoti vatsigiri venhabvu kana vaongorori vemutambo uyu vanofanirwa kupa Sunday “Mhofu” Chidzambwa rukudzo nekuti kubudirira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations harisi dambe.

Izvi zvinotevera kushoropodzwa kwakaitwa Mhofu nevamwe vatsigiri venhabvu apo maWarriors akakundwa neEgypt 1-0 mumutambo wekutanga weAfcon kuEgypt nemusi weChishanu svondo rapera.

Asi, vamwe varairidzi vezvikwata zvenhabvu vanoti Mhofu anofanirwa kurumbidzwa nekuve murairidzi wekutanga wemuZimbabwe kuenda nechikwata chenyika ichi kumakwikwi aya kaviri.

Murairidzi weManica Diamonds — Luke “Vahombe”  Masomere — anoti kushoropodza kunoitwa nevamwe vatsigiri venhabvu hakubatsire chinhu asi kunodzikisira mutambo uyu.

Anoti Mhofu ndiye muridzi webasa iri uye vatambi vaanenge asarudza kuti vatambe ane zvikonzero zvaanenge avasarudzira.

“MuAfrica muno mune nyika dzakawanda chaizvo asi zhinji dzacho hadziko kuAfcon, isu tiriko saka chinhu chikuru ichocho. Saka tikaenda kuAfcon tikanokundwa zvinoreva kuti takundwa nezvimwe zvikwata zviri pamberi pedu nekudaro ngatimbomire zvekutaura zvisina basa titsigire Mhofu nevakomana vedu.

“Munhu asingazive zvenhabvu ndiye anomhanya pamberi kutaurisa zvaasingazive. Ngatimbomire kutaurisa tipe rutsigiro kuvakoma vedu uye nemutyairi wedu Mhofu kuti vabate basa.

“Kukundwa kunotarisirwa munhabvu, kana vakaburitswa mumutambo uyu tongovatambira kuti ndizvo zvaitika, vodzoka votanga patsva kugadzirira makwishu anotevera kuti vagodzokera ikoko vave pane chimwe chidanho. Vakomana vedu vakatamba zvinonwisa mvura asi kungoti vakasangana nevamwe vatambi vepamusoro, asi pabhora chairo vaitamba zvaidadisa,” anodaro Masomere.

Murairidzi weChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti ino inguva yekuti vatsigiri venhabvu vabatane vachitsigira Mhofu nemaWarriors.

“Munhabvu kana chikwata chako chaunorairidza chikahwina unopembedzwa asi kana chikakundwa unoshoropodzwa zvikuru wonzi ngaadzingwe basa. Asi, izvi zvakashata chose uye kana pane pakanganisika ngatidzidze kusimudzirana kwete kungoshoropodza.

“Mhofu vari kuita basa rakanaka chose saka ngativape rutsigiro rwakakosha kunyangwe vakakundwa. Isu tinomira navo nekuti basa iri vanorinzwisisa.

“Ngatibatane pane zvinenge zvangoitika uye zvinenge zvangoitikawo, asi ini semurairidzi ndinoziva kuti zvakakosha sei kutungamira nyika yako kuenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations. Hakuendeki zvekumhanya saka Mhofu vakatobata basa guru kuendako nemaWarriors,” anodaro Mafero.

Rosemary Mugadza – uyo aimbove murairidzi wemaMighty Warriors – anoti Mhofu ari kuita basa rakanakisa chose asi mitambo mikuru yakadai seAfcon isati yasvika anofanirwa kupihwa nguva yakakura yekugadzirira nechikwata chake.

Mugadza anoti kazhinji Mhofu haasi kumbopihwa nguva yakakura yekuita gadziriro nevatambi vake.

“Mhofu vari kuita basa rakanaka, kana mitambo yemaWarriors yandaona yekuAfcon chikwata chaitamba zvinonwisa mvura asi nguva yakakwana yekunyatsogadzirira mitambo iyi havasi kuipihwa, ichi ndicho chokwadi.

“Kana vachipinda mumutambo mikuru inenge iyi, vanofanirwa kupinda mukembi kwenguva ndefu nechikwata chavo vonyatsoshanda nacho vochibika uye votamba mitambo yakawanda yehushamwari. Asi, handizvo zviri kuitika. Kazhinji panguva yemitambo yehushamwari pakarenda reFifa maWarriors edu haaungane kutamba, ndipo ipapo Mhofu anofanirwa kunge ane chikwata chake achichiongorora achitarisa vamwe vatambi achigadzirira mitambo mikuru yakaita seAfcon,” anodaro Mugadza.

MaWarriors kuAfcon ari muboka rimwechete reGroup A rine zvimwe zvikwata zvinoti Egypt, Uganda neDemocratic Republic of Congo (DRC).

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>