‘Mhofu’ yoda kuyambuka Limpopo

12 Oct, 2022 - 12:10 0 Views
‘Mhofu’ yoda kuyambuka Limpopo Sunday Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE murairidzi wechikwata chemaWarriros – Sunday “Mhofu” Chidzambwa – anoti kunyangwe zvazvo ave nenguva asiri mune zvenhabvu, ari muhurukuro nezvikwata zvakawanda zvekuSouth Africa izvo zvinoda kushanda naye gore rinouya pachapera mitambo yeQatar 2022 World Cup.

Mhofu, kubva zvaakasiya kurairidza chikwata chenyika mugore ra2019 vachangobva kumutambo weAfrica Cup of Nations uyo wakatambirwa kuEgypt, haana kuzombobvira arairidza chimwe chikwata zvekare.

Muhurukuro neKwayedza, Mhofu anoti achiri neshungu dzekuda kushanda munhabvu.
“Bhora ndiro rakazara mumusoro mangu manje. Nemabhora atiri kugara tichiona mazuva ose aya, ndiri kudzidza zuva nezuva ndichiwedzera ruzivo rwandinarwo rwemutambo uyu.

“Kutaura kuno ndiri pakati pekuita hurukuro nezvimwe zvikwata zvekuSouth Africa izvo zviri kuda kuti ndigoita technical director. Asi vari kuti tizokurukura kana World Cup yegore rino yadarika,” anodaro.

Mhofu akazvarirwa kuChivhu ndokuzokurira kuChesa, kuMt Darwin achigara nasekuru vake, baba vababa vake. Vakazobva ndokunogara kuMhondoro sezvo panguva iyi achiti vachena vakati papurazi pagare muridzi wepo uye mwana dangwe kana gotwe chete.

Mhofu anoti sezvo baba vavo vaive vechipiri mumhuri yavo, ivo vakange vasingakwanise kuramba vachigara papurazi apa. Baba vake vaive mupurisa apo vaishandira kuRosecamp, kuBulawayo asi vakazonogara muHarare mugore ra1952.

Mhofu anoti mhuri yavo inobva kuBuhera uko kwakabva tateguru vavo vainzi Chidzambwa, rinove zita remhuri uye ivo iMhofu yeMuseyamwa vekwaNyashanu. Anoti panguva iyo baba vavo vaishandira kuBulawayo, vakakundikana kuvatoresa magwaro ekuzvarwa (birth certificates) – iye nemunin’ina wake, mushakabvu Misheck Chidzambwa Jnr – ndokuzotoreswa nasekuru vavo avo vainzi Misheck “Marimo” Chidzambwa Snr.

Sunday naMisheck vakaita mukurumbira vachatamba nhabvu vachishandisa “Marimo”.
“Nguva yatakakura, yaive yehondo saka pataigara kupurazi rasekuru vedu baba vakakundikana kuuya kuzotitoresa magwaro ekuzvarwa tikazotoreswa nasekuru.

“Sekuru vainzi Mishek “Marimo” Chidzambwa Snr saka takabva tapihwa surname yekuti Marimo iro rinova zita rasekuru wedu. Asi tazokura patakatora zvitupa, takagadzirisa ndokuzonyoresa surname yedu chaiyo yekuti Chidzambwa,” anodaro.

Apo vakapihwa surname yasekuru, iyo yaive pagwaro rekuzvarwa, Mhofu anoti kare pasipoti yaitoreswa negwaro rekuzvarwa chete izvo zvakazomuona iye nemunin’ina wake vaine mapasipoti ane surname yekuti Marimo uku nerimwe divi zvitupa zvavo zvakanzi Chidzambwa. Anoti panguva yaakakura, munhu aipinda basa nechitupa, izvo zvisina kumbomunetsa. Asi pakuzofamba kunze kwenyika achienda kunotamba nhabvu, aigara achinetsekana sezvo mazita aive pachitupa nepapasipoti aisapindirana.

“Kuve nechitupa nepasipoti zvisina kufanana mazita zvaigara zvakandinetsa zvikuru pakufamba izvo zvinove zvimwe zvakazondituma kuti ndigadzirise magwaro angu kusvika ndave kunzi Sunday Marimo Chidzambwa.”

Mhofu akatanga kutamba nhabvu mugore ra1971 apo akapinda basa kuMetal Box ichiri muDivision One. Akatambira Metal Box kusvika yakapinda muPremier Soccer League (ichiri kunzi Super League) uye mugore ra1973, yakasvika nekuhwina mukombe wePSL.

Zvisinei, ichingobva kuhwina mukombe uyu, Metal Box yakabva yaparara ndokubva yatengwa neaimbova muridzi weChikwanha Hotel ikatanga kunzi Chikwanha Rovers. Akaitambira kwemakore maviri ndokubva aenda kuChibuku Shumba iyo yakazove Black Aces asi ikazoparara zvakare.

Mugore ra1976, ndipo paakaenda kuDynamos uko akatamba kusvika muna1983 akazosendeka kutamba nhabvu atyoka gumbo. Mhofu aiva mutambi wekumashure (defender). Anoti asati atyoka gumbo, aive sachigaro weDeMbare panguva iyi – Job Kadengu – akange amuudza kuti achigadzirira kusiya kutamba nhabvu sezvo vaida kumutumira kuEngland kunoita zvidzidzo zvekurairidza kuitira kuti vazomupa basa rekurairidza chikwata ichi.

Saka kutyoka kwaakaita gumbo kwakabva kwamuona achisendeka shangu dzake ndokupinda mune zvekurairidza mutambo uyu.

“Dynamos yaida kunditumira kuEngland, asi ndakazoenda kuBrazil uko ndakanodzidza zvekurairidza nhabvu, pandakadzoka ndakasvika ndokugadzwa kuitwa murairidzi weDeMbare.

“Ndakazodzokera zvekare kuBrazil mugore ra1986 kunoita zvimwe zvidzidzo zvekurairidza ndichiri kuDynamos. Sezvamunongozivawo, kuDeMbare ndaienda kusvikira ndazoti ndava kubva zvachose,” anodaro.

Mhofu akatanga kushanda nechikwata chenyika cheDream Team panguva iyo aive mumwe wevatevedzeri vemushakabvu Reinhard Fabisch. Iye naRoy Barreto vaive vatevedzeri vaFabisch, kuchiti Jimmy Finch ndiye aive maneja wechikwata ichi.

Mhofu akazopinda panyanga mugore ra2003 apo akashevedzwa naFrancis Zimunya kuti arairidze maWarriors ndokusarudza Rahman Gumbo naBrenna Msiska kuve vatevedzeri vake. Izvi zvakazoona maWarriors achibudirira kuenda kuAFCON kekutanga mugore ra2004. Akazosiya basa rekurairidza maWarriors asi akazodzoka zvekare mugore ra2008 kusvika 2010. Mhofu akazomboenda kunoshandira kuSouth Africa achirairidza chikwata cheFree State Stars kwemwedzi mitatu chete.
Anoti zvikwata zvevanhu vatema zvinonetsa kushandira nekuti vanoda kupindira mubasa remurairidzi.

“Zvikwata zvinonzi ndezvemunhu mutema zvinonetsa zvakanyanya. Unogona kufonerwa pakati pehusiku uchiudzwa kuti mangwana tambisa mutambi uyu kana uyo. Saka ini ndinoti kana uchiona kuti basa racho unorigona, zviri nani urairidze wega chikwata chako.

“Saka ndakangogara mwedzi mitatu chete ndikabva ndasiyana nazvo.”
Achibva kuFree States Stars, akarairidza Black Leopards yekuSA zvekare kwemakore matatu.
Akazosiya basa ndokudzoka kuZimbabwe, akambogara sezvo ainge atemerwa zvirango zvekusashanda munhabvu nekuda kwehuwori hwakaitika munyaya yekutengeswa kwemitambo yeAsiagate.

Anoti vakarwisa nyaya iyi ndokuhwina, ndokubva apihwa basa kuZPC Kariba uko akarairidza akazobva ava kunorairidza maWarriors zvekare. Panguva iyi, ndipo paakatungamira chikwata chenyika ichi chikabudirira kuenda kuAFCON ya2019 kakave kechipiri achirairidza maWarriors kumitambo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>