Uncategorized

‘Mhondi’ 10 dzadzingwa mudunhu

25 Mar, 2022 - 17:03 0 Views
‘Mhondi’ 10 dzadzingwa mudunhu Mambo Saunyama

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

VANHU gumi, avo vakabatwa nemhosva yekuponda mumwe murume muna2018 nechinangwa chekuchekeresa nhengo dzemuviri wake kudunhu raMambo Saunyama, kuNyanga, vadzingwa mudunhu iri.

Izvi zvinotevera kutorwa kwakaitwa nhengo nonwe dzinove shasha dzesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), vakabatana nedzimwe n’anga dzakanyoresa dziri kushanda zviri pamutemo, ndokuonekwa kuti vanhu gumi ava vakarangana kuuraya murume uyu nechinangwa chekuchekeresa nhengo dzemutumbi wake.

Vakabatwa nemhosva yekuuraya uye kuchekeresa John Gotora uyo aishanda mulibrary yepachikoro cheMarist Nyanga High School muna2018.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Saunyama apo vagari 300 vemunharaunda inogara vanhu gumi ava vakashatirwa zvakanyanya nekuda kwekuchekereswa kwakaitwa mushakabvu uyu, ndokusaina gwaro rine chisungo (petition) chekuti vadzingwe mudunhu iri.

Mambo Saunyama vanotsinhira nyaya iyi vachiti kudzingwa uku inzira yekuchengetedza vanhu gumi ava sezvo veruzhinji vari kuda kuvaita kanyama-kanyama.

Vagari vemudunhu iri vakatoparadza mimwe midziyo yevanhu gumi ava inosanganisira motokari mbiri nezvitoro zvitatu panzvimbo dzemabhizimisi dzinoti Tendanayi, St Marys’ neShiri Business Centre kuNyanga kwakare.

Vakabatwa nemhosva yekuuraya Gotora vanosanganisira muzvinabhizimisi Phillip Makunura nemudzimai wake Catherine Makunura, mushandi wemubhawa ravo uyo anove sabhuku zvakare Kerina Katsatse, munin’ina wemushakabvu Morris Matimba nevamwe vanongozivikanwa saBenza naNyamundanda pamwe naTrymore Chibaya, Lucky Nyanguru, Milton Sadomba naAaron Nyakapeta.

N’anga dzeZinatha dzinoti Sekuru Darare, Mbuya Machiri, Sekuru Mutizwa, Sekuru Nyereurombo, Sekuru Chandakabva, Mbuya Mapuranga naMbuya Shumba vakabatana nevarapi vechivanhu vaviri vekuNyanga — vanosanganisira Sekuru Chiro — mukufumura vanhu gumi ava.

Mushure mekuwanikwa kwen’anga pfumbamwe, mumwe mugari wemumusha uyu akabva afumura gure achiti vanhu gumi ava vakambouya kwaari vachironga kuuraya Gotora vachida kuti ave muchikwata chavo asi iye akaramba.

VaFranco Kariramwando vanoti vakaingwa nevamwe vevarume ava vachida kubatana navo kuuraya Gotora.

“Ndakapa Gotora yambiro pamusoro penyaya iyi asi haana kunditerera sezvo ainge akadhakwa. Handikwanise kuramba ndakapfimbika zvakavanzika izvi. Ndakambonyepa mudare muno kuti ndakanga ndarota pamusoro pemhondi dzaGotora.

“Zvisinei, ndinoda kureurura nhasi kuti vanhu ava vakandifonera tikaenda kuseri kwechitoro chaMakunura. Vakandiudza kuti vaida kuuraya Gotora nechinangwa chekuchekeresa nhengo dzemuviri wake, ndokundibvunza kuti ndaida here kuve muchikwata chavo sezvo paiva nemubairo wakanaka. Ini ndakaramba nekuti ndaifunga kuti vainge vakadhakwa zvavo.

“Ndakayambira Gotora achibva andiudza kuti aivimba navo. Takazoziva kuti Gotora akanga asiri kuonekwa uye mutumbi wake wakazoonekwa mushure memavhiki maviri,” vanodaro VaKariramwando.
Vanoti kubva ipapo, mweya waGotora uri kuvatambudza nekuda kwekuchengeta zvakavanzika kwavakaita nyaya yekupondwa kwake.

Mweya wengozi waGotora unonzi uri kuda mombe ina kubva kuna VaKariramwando semuripo wekuvanza kwavakaita nyaya iyi.

Mambo Saunyama vanoti, “Hatina nzvimbo yemhondi mudunhu rino. Nyaya iyi yave nemakore akawanda uye vamwe vemunharaunda vaindipomera mhosva yekuvachengetedza.

“Ndakatozotsvaga n’anga dzeZinatha kuti dzitibatsire. Vakasvika vakaita chivanhu chavo kune vose vaifungirwa kuti imhondi. Dunhu rino rave kuzivikanwa nenyaya dzekuchekeresa uye tinoda kupedza izvi.

“Nharaunda yose yakavatsamwira zvikuru uye kuparadzwa kwakaitwa zvitoro nemotokari dzavo umboo huri pachena hwekuti havachadiwa munzvimbo ino. Iri idanho rekuchengetedza nharaunda uyewo naivo.

“Takavabudira pachena kuti havachadiwa mudunhu rino saka vanofanira kutsvaga kumwe kwekunogara.”
Mambo Saunyama vanotiwo Sabhuku Katsatse, Kerina Katsatse, abviswa pachigaro ichi uye adzingwawo mudunhu iri.

Panyaya yekuparadzwa kwemidziyo nezvivakwa zvevamwe vanhu gumi ava, Mambo Saunyama vanoti havakurudzire mhirizhonga nebongozozo iro rakazopera mushure mekunge ivo vapindira.

“Hatikurudzire mhirizhonga inoitika munzvimbo ino uye izvi ndakazvijekesa kuvanhu. Takayambira Makunura kuti aende kumapurisa nekuti pfuma yake yaparadzwa. Vanhu havafanire kuisa mutemo mumaoko avo. Vanowanikwa vari kudivi remutemo risiriro vanofanirwa kuzvidavirira pane zvavanoita,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanoti dhoketi rekuferefetwa kwemhosva yekupondwa kwaGotora rakavharwa makore adarika mushure mekushaikwa kweumboo hwakakwana hwairoverera vari kupomerwa kuti ndivo vakamuponda.

“Mapurisa akatora vanhu vamwe chete pakaitika nyaya yehumhondi uhu uye vakazoregedzwa mushure mekurekodhwa kwemashoko eyambiro yavo. Pakange pasina umboo hwaibatanidza vasungwa nekuparwa kwemhosva.

“Ongororo yakaitwa nemachiremba yakange isinganzwisisike zvakare sezvo chitunha chacho chainge chanyanya kuora apo chakaonekwa,” vanodaro.

Inspector Muzondo vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutyora mutemo kuburikidza nekuranga vanhu vanenge vachipomerwa mhosva dzakasiyana asi kuti vasiye mapurisa aite basa rawo.

“Hatisati tawana munhu akamhan’ara nyaya yekuparadzwa kwemidziyo asi tinokumbirawo madzishe kuti kana achitonga nyaya dzine chekuita nezvemweya ashandewo nemapurisa,” vanodaro.

Insp Muzondo vanokurudzira vanhu vane mashoko anobatika maererano nekupondwa kwaGotora kuti vaende kunomhan’ara kukamba yemapurisa iri pedyo navo.

Zvichakadai, mweya waGotora – uchitaura kuburikidza naSekai Nyamudika – wakakumbira n’anga kuti dziubatsire nesimba rekutsiva kupondwa kwaakaitwa.

“Vasiyei vakadaro kana vakaramba vachiti havana kundiuraya. Ndinoziva zvandichavaita. Ndichavabata uye pakupedzisira vachareurura nekundiripa nekuda kwavo.

“Vakandiuraya sehuku, ndokundibvisa nhengo dzemuviri kunge vaida kudzidya. Makunura akashandisa nhengo dzemuviri wangu kusimudzira zvitoro zvake, asi ari kuramba izvi,” unodaro mweya waGotora.

Mweya uyu unopomera Matimba mhosva yekuzivisa mhondi mafambiro aGotora musi waazopondwa.
Nyanguru anopomerwa mhosva yekuuraya Gotora, kutora nhengo dzemuviri wake ndokudzipa kuna Makunura kuti achekerese mubhizimisi rake.

Zvisinei, vose vari kupomerwa vanoramba mhosva iyi.

Gotora anonzi akapondwa nenzira ine hutsinye hwakanyanya uye nhengo dzake dzakavandika dzikadamburwa muna2018.

Mutumbi wake wakazowanikwa mushure memasvondo maviri kumarinda eSt Mary’s Cemetry kuNyanga.

Share This:

Sponsored Links