Michael Jackson asungwa arova mushandi wepachipatara

08 Mar, 2024 - 16:03 0 Views
Michael Jackson asungwa arova mushandi wepachipatara Zvimwe zvakaitika apo Michael Jackson nevamwe vake vairova mushandi wepachipatara cheBindura Provincial Hospital.

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuBINDURA

MAGADHI epaBindura Provincial Hospital amiswa mudare reBindura Magistrate Courts nemhosva yekurova mushandi wepachipatara ichi mushure mekumufungira kuti ainge aba mishonga yepo apo akaramba kuvaratidza makadhi ake ehurwere.

Zvakabuda pachena kuti Takunda Tenisi (25) akarapwa kuchipatara uye akapihwa mishonga iyo yaakawana kufamasi yepo.

Dare ranzwa kuti mushonga waTenisi wakarekodhwa nemuchengeti wepafamasi apo akazomiswa nevatatu ava vachida kuziva kuti mishonga iyi aive aiwana kupi.

Vari kupomerwa mhosva yekurova iyi ndiDennis Saurosi (47), Michael Jackson (43) naCharles Maja (23).

Zvinonzi nemusi weChitatu chino nenguva dza4 masikati, Tenisi aive munzira kuenda kumba kwake paakamiswa pagedhi rechipatara nevatatu ava.

Zvimwe zvakaitika apo Michael Jackson nevamwe vake vairova mushandi wepachipatara cheBindura Provincial Hospital.

Saurosi anonzi akabva abata Tenisi ndokusecha bhegi rake.

Mubhegi makawanikwa mapiritsi e”amoxyline” ne”metronidazole” anosvika makumi mana nemaviri.

Dare ranzwa kuti Saurosi aida kuona kadhi raTenisi iro raakaramba naro achiti kuita izvi kutyora kodzero dzake.

Zvakadaro, akamuti abvunze waaishanda naye kufamasi yemishonga uyo akanga anyora mushonga wacho mubhuku rake rerekodhi.

Saurosi anonzi akapinda mukamuri yevarindi ndokutora mboma nhatu ndokupa dzimwe mbiri kuna Jackson naMaja.

Vakatanga kurova Tenisi muviri wose.

Vamwe vanhu vaidarika ndivo vakazonunura Tenisi uyo ainge azvimba ruoko rweruboshwe uye mbabvu dzairwadza.

Zvichitevera nyonga-nyonga iyi, mumwe mushandi wepachipatara ichi anoti vashandi vepo vakazoratidzira kutsutsumwa kwavo pamusoro pekurwiswa kune hutsinye kwakaitwa mumwe wavo, pakati pezvimwe zvichemo zvavo.

Zvichemo izvi zvinosanganisira kushandiswa zvisina kunaka kwemotokari dzechipatara nevakuru vepo pamwe nekushaikwa kwemvura yemupombi pachipatara ichi.

Kuratidzira uku kunonzi kwakazomiswa nevekuchikamu chinoona nezvevashandi pachipatara ichi zvichitevera musangano wakarongwa kuti uitwe namedical superintendent.

Zvisinei, vakuru vepachipatara ichi vakaramba nyaya yekuratidzira kunonzi kwakaitwa nevashandi zvisinei nekuti pane umbooo hwemifananidzo nemavhidhiyo anotaridza izvi.

Share This:

Sponsored Links