Mikando yemadzimai yosimudzira mhuri

30 Dec, 2023 - 11:12 0 Views
Mikando yemadzimai yosimudzira mhuri Madzimai vachigovana magirosari - Mifananidzo naCharles Muchakagara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MADZIMAI emumusha weMbare, muHarare, ari kubatsirikana nemushandirapamwe wekuunganidza mari vachitenga zvinhu zvakasiyana muchirongwa chinodaidzwa kuti mukando.

Mai Tsitsi Tavengwa (58), avo vanova muvambi uye mutsigiri wechirongwa ichi, vanoti vane zvikwata zvemadzimai gumi nezviviri zvine nhengo dzinosvika zana remadzimai izvo vanounganidza mari vachitengerana midziyo.

“Mushure mekudzidziswa nenyaya yekuunganidza mari tichitengerana zvinhu, ndakasvitsa zano iri kuruzhinji muMbare rikatambirwa zvikuru. Chokwadi mudzimba dzedu hamusisina nhamo yezvekudya nemari uyewo mari yechikoro takaunganidza kare. Mudzimai wanhasi atora mukombe muno muMbare,” vanodaro Mai Tavengwa.

Mamwe emadzimai echikwata chinonzi Peaceful Group svondo rino vakawanikwa vakaungana pamukando kuStodart Hall, ikoko kuMbare, apo vaipanana mari, zvekudya zvinosanganisa mafuta, mupunga nezvimwe.

Vamwe vanoshanda muzvirongwa zvemukando izvi vanosanganisira Mai Cathrine Marizani (74), Mai Mary Zvimba (60), Mai Dorothy Mushayandebvu (49) naMai Virginia Kaula (60).

Madzimai vachigovana magirosari – Mifananidzo naCharles Muchakagara

Madzimai aya anounganidza mari kwenguva inoita mwedzi mishanu kana mitanhatu vachitenga midziyo inosanganisira mapoto, ndiro, makapu, magumbeze, nezvimwe vozogovana.

Mai Tavengwa vanoti vamwe vanasikana vari kupinda mumikando iyi.

Vanoti vakawana ruzivo urwu kubva kusangano reCatholic Relief Aid ndokuzopakurirawo kune vamwe.

Mai Tavengwa vanokurudzira vanhurume vanonyima madzimai avo mari kuti vasaite tsika iyi sezvo zvichivadzosera kumashure munyaya dzebudiriro semhuri.

“Honai nhasi takaungana pano nekuda kwemikando yekukandirana mari, ukapa mudzimai wako mari akaenda kune vamwe uku chakaipa chii achizounza zvinhu zvakadai mumba?” vanodaro Mai Tavengwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>