Misheck Chidzambwa ashaya

25 Jun, 2021 - 13:06 0 Views
Misheck Chidzambwa ashaya Misheck Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu semutambi ndokuzorairidza, Misherck “Scania” Chidzambwa ashaya.
Scania akashaya nezuro manheru mushure mekunge ave nenguva refu achirwara.

Achitaura neKwayedza nhasi mangwanani, mukomana waMisherk – Sunday “Mhofu” Chidzambwa – atsinhira nezverufu rwaScania achiti munin’ina wake akashaika nezuro manheru.

“Scania atisiya, akashaya manheru zvekuti iye zvino takaungana kumba kwake kuZengeza 5, kuChitungwiza uko ari kuchemerwa.
“Humwe hurongwa tichange tichikuzivisai nekufamba kwenguva,” anodaro Sunday.

Scania vazhinji vanomuziva achitambira zvikwata zvinoti Dynamos nechenyika chemaWarriors uye kubva paakasendeka shangu dzake dzekutamba, akazorairidzi chikwata chenyika chemaWarriors.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>