‘Mishonga inoda kutanga yaongororwa’

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HURUMENDE inoti inotendera chete mishonga yakaongororwa nanamazvikokota kuti ishandiswe pakurapwa kwevarwere veCovid-19 asi hairambidze vanhu kuti vabatsirwe nevanorapa pachivanhu kana vachida rubatsiro rwemhando iyoyo.

Danho rakatorwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevanhu rekutendera vanorapa pachivanhu kuti vabatsire vanenge vachifungidzirwa kuti vane Covid-19 rakaita kuti veruzhinji vatsutsumwe padandemutande reSocial Media.

Mutsamba yakanyorwa musi wa1 Kubvumbi kubva kubazi iri ichienda kumukuru wezveutano kukanzuru yeHarare (health director) Dr Prosper Chonzi avo vanoona nezvepaWilkins Infectious Diseases Hospital yakakurudzira varwere kuti vabatsirwe nanachiremba vechivanhu.

“Hurumende yeZimbabwe inokoshesa kushandiswa kwemishonga yechivanhu. Naizvozvo, munhu anorapa zvechivanhu akanyoreswa zviri pamutemo anokwanisa kuudza pamwe chete nekurapa murwere achipa mushonga wechivanhu. Hurumende inoda kuita ongororo yevarwere vanenge vazvipira kuti varapwe pachivanhu,” rinodaro bazi iri.

Dr Chonzi vanotsinhira kuti vakaona tsamba iyi asi vari kukurudzira veruzhinji vanenge vachifungira kuti vabatwa neutachiona hweCovid-19 kuti vaende vanoongororwa kunzvimbo dzakatarwa vobatsirwe nekuvhenekwa chero zvazvo vambobatsirwa kuchivanhu.

“Chero vakamboona vanachiremba vechivanhu, vanhu vanofungira kuti vabatira eCovid-19 vanofanira kushanyira kunzvimbo dziri kuongororwa utachiona uhu kuti vaone kuti vabatwa nedenda iri here kana kuti kwete. Havafanire kumirira kuti vaderere utano hwavo zvakanyanya sezvo izvi zvichizoita kuti mukana wekurarama uve mudiki uye kuti vanozotapurira vamwe,” vanodaro.

Principal Director Curative Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Sydney Makarau, vanoti hapasati pava nemushonga unorapa Covid-19 pasi rose.

“Chero bazi redu richitendera kushandiswa kwemishonga yechivanhu, hatikwanise kutendera kuti mishonga iyi ishandiswe neveruzhinji pasina kuitwa ongororo nenyanzvi dzeutano. Dambudziko nderekuti vamwe vanhu vanoda kubatsirwa pachivanhu uye hatikwanisi kuvarambidza.

“Vanokwanisa kuita izvozvo zvisinei nekuti bazi redu rinenge risina kutendera kuti mishonga iyi ishandiswe sezvo inenge isina kuongororwa nanamazvikokota veutano,” vanodaro Dr Makarau.

Bandiko revanorapa nemishonga yechivanhu kuburikidza nadirector waro, VaOnias Ndoro, rakazivisa veWilkins Hospital kuti vatendere chiremba wechivanhu, VaKenneth Chivizhe kuti vabatsire nemishonga yavo kune vanoda kubatsirwa vane Covid-19.

“VaKenneth Chivizhe, ID number 19-113956-D-18 ndichiremba wechivanhu akanyoreswa zviri pamutemo. Vane mishonga inonzi inobatsira marwadzo ezviratidzo zveCovid-19. Vabatsireiwo vakwanise kubatsira varwere vakasununguka kushandisa mishonga yavo. Izvi zvinoenderana nekuda kwemurwere kubatsirwa navo,” vanodaro VaNdoro.

VaNdoro vanoenderera mberi mutsamba yavo vachiti vanoda kuongorora kuti varwere vanenge vapihwa mishonga yechivanhu iyi vari kubatsirikana zvakanaka here uye kuti iri kushanda sekutaurwa kwazvinenge zvakaitwa. Zvichakadai, kune mamwe makoronyera ava kutengesa maguchu emishonga yechivanhu vachibira vanhu mari vachiti inorapa pamwe nekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Kwayedza yakaita mahwekwe nevamwe vatyairi vemakombi vari mushishi kutenga maguchu emishonga iyi pamusika wepamba uri mumusha weZengeza 4, kuChitungwiza.

Vamwe ndivo vari kupihwawo miteuro inonzi inotanda “mhepo” dzeutachiona hweCovid-19.

Kwayedza yakanyepera kuda kutenga maguchu emiti aya ikaudzwa kuti ari kuita US$20 pa500ml asi munhu anofanira kudutira maguchu mashanu kuti azvidzivirire kubva kuCovid-19.

Magaba ari kushandiswa kuisa mishonga nemurume ari kuzviti Sekuru Mushiti uyu akasviba uye mvura yaanoshandisa mukusanganisa hapana anoziva kwainobva, asi iye anoti ndeyemuninga.

Pari zvino muZimbabwe mava nevanhu gumi nemumwe chete vabatwa vaine Covid-19.

Pavanhu 11 ava, vaviri vavo vakashaya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>