Uncategorized

Mishonga yeku‘Moza’yapanduka . . . ‘Ndakauraisa mwana wangu’ . . . ‘Ndinongoona ndava musvo’

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Mishonga yeku‘Moza’yapanduka . . . ‘Ndakauraisa mwana wangu’ . . . ‘Ndinongoona ndava musvo’

Kwayedza

MURUME wechidiki kuMuzarabani, uyo akanotora mishonga yekuti apfume kun’anga yekuMozambique, anoti mishonga yaakaromba iyi yamupandukira zvekumushaisa rugare.

Liston Jamu (25), wemubhuku raKambudzi kwaMambo Kasekete, anoti ari kungoona masaramusi izvo zvaanofunga kuti zviri kukonzerwa nekuromba kwaakaita.

Jamu, uyo anoti akarangana nasahwira wake kunotora mishonga yekupfuma kun’anga yekuMozambique apo vose vaiva vadzidzisi, anoti akazouraisa mwana wake nemishonga iyi uyo waanonzwa izwi rake richimubvunza kuti akamuuraire chii.

Pamusoro pazvo, anoti anogona kubva pamba asingazive zvaanoita ozowanikwa nevanhu asina kupfeka ari musango.

“Handisisina rugare nekuda kwemishonga yekupfuma iyo ndakanotora mugore ra2010 neshamwari yangu kuMozambique. Sevanhu taiva matembarari ticha pachikoro cheChibombo Primary, kuMuzarabani, sahwira wangu aiziva n’anga chitopota yaiva kuMozambique uko takarangana kuenda tikanobikwa nekupihwa mishonga tichinzi taizoita mari yakawanda zvikuru.

“Takabva kuchikoro ndokuhaya mudhudhudhu sezvo kwaisaenda mabhazi kana dzimwe motokari apo takanoyambuka rwizi rwaMukumbura tichifara kuti tave kunoita mari. Takaenda kuSaradza, kuna Zambezi kuMozambique, tapinda nekuChadereka.

“N’anga iyi inonzi Mugubani uye yakatanga kushandira mumwe wangu ini ndokuzobikwa apo ndakaiswa mugumbeze maikwata mishonga yaiva mumakate ndisina kupfeka,” anodaro Jamu.

Anoti zvose izvi zvaiitwa dzimwe nguva achinzi atanangire makate aiva nemishonga, kuanatira nekuumburuka mukati mejira raaiva akafugidzwa ari musvo kudaro.

Murume uyu anoti akazopihwa mishonga mitatu yakasiyana ruvara iyo akanzi aizogara nayo kumba kwake kweupenyu hwake hwose iyo yaiva nemhiko dzekuti atsamwe mukurarama kwake.

“Mishonga iyi yaiva neruvara rwaiti mitema miviri nemuchena. Ndakapihwa mhiko dzekuti ndaifanirwa kuroora kuti mishonga iyi ishande sezvo panguva iyi ndaiva ndisina mudzimai.

“Ndakatemerwawo nyora 8 muviri wose ndakashama dzaisanganisa kumusana, kunhengo dzakavandika, mutsapfu nemuzvidya, mudatatira, kumagadziko, mumusoro, padumbu, muzvanza, mutsoka, nekugotsi apo ndainzi ndiimbe nziyo dzevavhimi.

“Takazonzi taizofanirwa kutanga kubhadhara mishonga iyi mushure memakore maviri apo takanzi panguva iyi taifanirwa kunge tava nemari inotyisa. Miripo yose yaidiwa yemombe nhanhatu pamunhu inonzi yaifanirwa kuzopera mushure memakore mashanu. Kureva kuti taifanirwa kutanga kubhadhara mugore ra2012 tichizopedza mugore ra2016.

“Patakaenda takangovavigira girosari redu rekunodya isu neravo pasina muripo watakabvisa,” anodaro

Jamu anoti vadzokera kumusha, akasvikoroora mugore ra2011 semhiko yaakanga apihwa kuti mishonga izovaitisa mari.

“Mishonga yandakapihwa iyi yaigara mumba panzvimbo yakavandika kuti isaonekwe kusvikira ndakazoroora mudzimai ndikamuvanza zvemishonga iyi. Kubva panguva iyi, ndaiva ndakangotarisira kuti mari ichaita izvo zvisina kuitika.

“Mugore ra2012, mudzimai wangu akaita mwana uyo akazongofa ari mucheche asina kurwara, akangopupa furo mukanwa nemumhuno achibva afa ndakatomubata mumawoko.”

Anoti matambudziko akabva atanga ipapo apo imba yavo yekubikira yakangobatira moto yoga ikapera kutsva.

Vakazovaka imwe ikabatirazve moto usina kuzivikanwa kwawakabva, ndokuzotsva bhedhuru ravo guru remarata nemoto usina kuzivikanwa kwawakabva.

“Dzimba dzose nhatu dzakatsva idzi nemoto wakangotanga woga midziyo ichiparara kusvikira tisisina zvinhu zvinosanganisira mbatya nemagumbeze. Dzimba dzose dzaitsva tisimo, ndikasvika pakunwa mushonga wedonje kuti ndife ndikanoponera kukiriniki yeHoya,” anodaro.

Jamu, uyo ari kuita kuimba chaiko pakurondedzera nyaya yake anoti vakazobereka mumwe mwana wechipiri mugore ra2014 uyo anogara achirwara zvaanoti zvinokonzerwa nemishonga yaakaromba.

“Mwana uyu anogara achirohwa nezvinhu achibuda furo mukanwa nemumhuno. Imba yekupedzisira, bhedhuru hombe, rakatsva munguva pfupi ichangodarika raiva nedzimba nhatu. Dzimba dzose idzi dzaitsva nguva dzakasiyana, manheru nemasikati,” anodaro.

Jamu anoti dambudziko raakatarisana naro anonzwa izwi remwana wake akafa ari mucheche richimubvunza kuti akamuurairei nekushevedza zita rake.

“Handina rugare, ndinonzwa mwana wangu achinditi, ‘Baba makandiurairei? Zvino muchandipa riinhi nguva yangu yekuzorora, handina rugare?’

“Zvinondirwadza kuti ndakadeurisa ropa remwana mudiki asina mhosva nekuda kupfuma. Chinonetsa mwana wangu akafa asati ave kutaura saka handizive kuti zvinobva kupi,” anodaro Jamu.

Murume uyu anoti anoona vanhu vasingasvike paari vachitaura nekumunongedzera asinganzwe zvavanotaura.

“Rimwe dambudziko randatarisana naro nderekuti ndinobva pamba ndisingazive ndozongoerekana ndasvika kune dzimwe nzvimbo ndisina kupfeka. Vanhu vava kunditi ndiri muroyi, ndakamboerekana ndasvika kuBindura ndakaunganirwa nevanhu ndichinzi muroyi ndisina kupfeka.

“Dzimwe nguva ndakaedzerwa kuChitungwiza vanhu vakanditi muroyi, ndikazoerekanawo ndasvika kuGoromonzi uko ndakawanikwa ndisina kupfeka ndikanziwo mutakati. Panguva iyi handizive zvandinenge ndichiita.”

Anoti haazive kuti kunzvimbo idzi anokwira motokari here kuti akusvike nekuti anozongoona asvika kunyange kure sei.

Murume uyu anotizve zvose izvi zviri kukonzerwa nemishonga yaakanotora kuMozambique.

“Ini handina mari yandiinayo asi shamwari yangu ane mari yakasviba muno muHarare. Ini zvakaramba, ndiri kukwangwaya. Sahwira wangu anonditsvaga asi ini handichadi kumuona nekuti ndiye akandinyengera zvake zvikaita zvangu zvikakona,” anodaro.

Jamu anoti akazorega kudzidzisa ndokuzouya kumba kwevabereki vake kuChitungwiza.

Anoti akazotizwa nemudzimai nemwana nekuda kwedambudziko iri.

“Vabereki vangu vanotya zvimwe zvinhu zvandinoita, izvozvi ndakatobva kumba ndave kugara nemumwe munhu kuStoneridge wandinochengetera pamba.

“Ndinokumbira ruregerero kuvabereiki vangu nekunotora mishonga iyo yave kundinetsa uye handizive kuti zvichakanganisa mhuri zvakadii.

“N’anga iyi yakamirira mombe dzayo 6 apa ini handina kwandinodziwana. Zvinonzi hazvipere kusvikira ndaendesa muripo uyu, uyewo handizive kuti n’anga iyi ichiriko here,” anodaro.

Murume uyu anoti pane vamwe vanamati veimwe chechi vaakaenda navo kuMuzarabani vakanopisa mishonga miviri vakashaya mumwe chete wacho.

“Zvakadaro, hapana chakasanduka padambudziko rangu. Mwana uyu ari kuuya kwandiri achitaura munzeve ndakasvinura. Patakaenda kumusha kuti mishonga inopiswa mwana kuno kuHarare akasara achipiswa nemvura akakwatuka muviri wose zvekupotsa afa.

“Dambudziko rekungobva pamba ndozoonekwa ndisina kupfeka riri kufambira mberi. Ndave kutya kuti vanhu vanogona kundiuraya vachiti ndiri muroyi,” anodaro.

Svondo rapera Jamu akanopotera kuchechi yeHouse of Grace International Ministries kwaMachipisa, kuHighfield iyo inotungamirirwa naProphet Sham Hungwe.

“Ndiri kushandirwa kuchechi iyi. Prophet vakavimbisa kuti vachaenda neni kuvabereki vangu nekumusha vonoita minamato kuti dambudziko iri ripere,” anodaro Jamu.

Prophet Hungwe vanoyambira vanhu kuti vasiyane nekutora mishonga kudzin’anga zvisinei kuti ndeyei.

“Matambudziko ose akatarisana nevanhu mazuva ano inyaya dzemishonga yavanotora ichinzi ndeyekuti vaite mari, kutsigisa misha, yekuzvisimbisa mumabasa, nemimwe iyo inozopaduka sezvakaitika murume uyu. Asi hazvina mhosva, zvinopera tinomubatsira,” vanodaro Prophet Hungwe.

Sekuru Bonface Katerere vanoti murume uyu anofanirwa kunoripa n’anga yakamupa mishonga iyi kunyangwe asina kuzoita mari.

“Ngaaendese mombe nhanhatu idzo akatarirwa dzimwe nguva ndiye akatadza kutevedza mhiko kuti zvinhu zvake zvizotadza kufamba,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe weChishanu kuChitungwiza vanotiwo Jamu ngaaende anoripa n’anga.

“Murume uyu ngaaendese muripo uyo vakawirirana nekuti ukatenga mbeu muchitoro ikanoramba kumera hazvinei nechitoro, pamwe ndiwe watadza madyariro,” vanodaro Madzibaba Elias.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>