Misika inotenga fodya yovhurwa

15 Feb, 2024 - 11:02 0 Views
Misika inotenga fodya yovhurwa Mwaka wekutengeswa kwefodya wa2023/24 unonzi uchatangisa nemusi wa13 Kurume

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti mwaka wekutengeswa kwefodya wa2023/24 uchatangisa nemusi wa13 Kurume.

VaEmmanuel Matsvaire, avo vakafanobata chigaro chachief executive officer weTIMB, vanokurudzira varimi nemamwe mapoka ane chekuita nekutengeswa kwefodya kuti vaite gadziriro dzizere.

“Mwaka wedu wekutengeswa kwefodya wa2023 kusvika 2024 uchatanga nemusi wa13 Kurume tichitanga nevarimi vanozvirimira voga, kuchizotiwo nemusi wa14 Kurume kunouya varimi vefodya vanobatsirwa nemakambani akasiyana vemakondirakiti. Gadziriro dzekutanga kwemwaka uyu dzave padanho repamusoro,” vanodaro VaMatsvaire.

Vanoti ongororo yakaitwa nekambani yavo inotaridza kuti misika yose inotengesa fodya yagadzirira zvizere kusanganisira kuvepo kwezvimbuzi zvakavandudzwa nemakiriniki.

VaEmmanuel Matsvaire

VaMatsvaire vanoti zvakakosha kuti vemarori vanotakurira varimi fodya kuenda nayo kumisika vaone kuti motokari dzavo dzakakodzera kufamba mumugwagwa.

“Marori nedzimwe motokari dzinotakura fodya ngadzive dzakanaka dzisingafire mumigwagwa uye dzisingatakurewo zvimwe zvinhu panguva imwe chete nefodya zvinoita kuti igumisire yave kukanganiswa hunaku hwayo,” vanodaro VaMatsvaire.

Fodya iri kutarisirwa kubva kuvarimi mwaka uno inokwana makgs 300 miriyoni.

Zvakadai, varimi vanoita zvemadiridziro vazhinji vavo nevamwe vanorima nemvura yekunaya vanonzi vakatopisa fodya yavo vakaisa mumabhero iyo yangomirira kunotengeswa.

Mambo Chundu

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera, vekuHurungwe kudunhu reMashonaland West, vanovawo murimi wefodya, vanoti vagadzirira kuti vachiendesa fodya yavo kumisika.

Fodya yakatengeswa mwaka wadarika inosvika makgs 296,1 miriyoni ichikosha mari inodarika US$896 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links