Mitambo yechinyakare ngaiitwe muzvikoro

31 Dec, 2020 - 14:12 0 Views
Mitambo yechinyakare ngaiitwe muzvikoro Nhodo pachikoro

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reNational Association of Primary Heads (NAPH) rinoti mitambo yechinyakare yakadai setsoro, nhodo, maflawu, arawuru, hwishu nechihwande-hwande yakakosha zvikuru uye inofanirwa kuitwa muzvikoro sezvo ichidzidzisa vana nekuvavhura njere.

Mitambo yechinyakare iyi inozivikanwa kubvira kare-kare iriyo inokura ichitambwa nevana uye ichivadzidzisa kutamba sechikwata.

Dzimwe shasha dzezvemitambo dzinosanganisira Perpetual Siyachitema uyo akaita mukurumbira achitambira chikwata chenyika chenetball akambobuda pachena achiti mukukura kwake aitamba dunhu nehwishu izvo zvakamuvaka kuti atange kufarira zvemitambo.

Shasha yakambonetsa munhabvu Maronga “Bomber” Nyangela anoti nhabvu yechikweshe ndiyo yakabika tarenda rake kuti azosvike kure mumutambo uyu.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, sachigaro weNAPH mupurovhinzi yeHarare — Samson Chinowoneka — anoti mitambo yechinyakare yakakosha zvikuru nekudaro inofanirwa kudzidziswa muzvikoro sezvo ichivhura vana pfungwa pamwe nekuvadzidzisa kuti kushanda nesimba kunounza pundutso muhupenyu.

“Mitambo yechinyakare yakaita setsoro, nhodo, hwishu nemimwe inodzidzisa vana kuti vakashanda nesimba vanogona kukunda uye mimwe yacho iyo vanenge vachitamba vakawanda semafulawu nearauru inodzidzisa kuti mushandirapamwe wakanaka

“Tinoshuvira kuti inge ichitambwa muzvikoro sezvo ichidzidzisa vana kuti vazive kuti takabvepi uye tiri kuenda kupi,” anodaro Chinowoneka. Anoti pari zvino mitambo iyi iri kutambwa muzvikoro zvishoma uye hakuna makwikwi ari kumborongwa ekuti zvikoro zvisangane zvichitamba mitambo yechinyakare izvo anoti zvinofanira kushanduka.

“Iye zvino zvikoro zvishoma chaizvo ndizvo zviri kudzidzisa mitambo iyi kana kuitamba. Nehuwandu hune zvikoro zvatinazvo munyika muno, mitambo iyi inofanirwa kudzidziswa muzvikoro zvakawanda uye kana zvakawanda zvobatsirawo zvekare kuti zvinotanga kuronga mitambo zvichifambirana zvichikwikwidza,” anodaro Chinowoneka.

Share This:

Sponsored Links