Mitambo yekarate yotanga

21 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
Mitambo yekarate yotanga Sensei Tawanda Mufundisi

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Karate Union rinoti riri kuronga mutambo waro wekutanga wegore rino weIKO Nakamura Novice Tournament.

Mutambo uyu, uyo uchaitwa mwedzi unotevera kuKaroi, uchange uri wekubatsira kusimudzira vatambi vekarate vachangotanga.

Mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Karate Union – Sensei Tawanda Mufundisi – anoti donzvo ravo kupa mukana kune vatambi vachangotanga uye kuvasimudzira.

“SeZKU IKO Nakamura pazvirongwa zvedu zvatinazvo gore rino chekutanga tine mutambo weIKO Nakamura Novice Tournament uyo wakanangana nevatambi vekarate vachangotanga kupinda mumutambo uyu.

“Mutambo uyu unobatsira zvikuru nekuti ndipo patinokwanisa kuwana vatambi vekarate vane tarenda vekushanda navo. Saka isu tinofara chaizvo kuti vawane mukana wekutamba vasimukire mumutambo uyu.

“Naizvozvo tiri kudana vatambi vese vekarate vari kutanga kupinda mumutambo uyu kuti vauye vagorakidza zvipo,” anodaro Sensei Mufundisi.

Mutambo uyu uchingodarika, Sensei Mufundisi anoti vane chirongwa cheIKO Nakamura Grading icho vatambi vanotamba kuwedzerwa nyembe dzavo.

“Gore rino, tine zvirongwa zvakawanda zvekarate zvatakaronga, tichipedza mutambo weIKO Nakamura Novice Tournament tichabva tapinda mune weIKO Nakamura Grading uyo vatambi vachauya vachirwira kuwedzerwa mabhande avo ekarate.

“Kukarate, vatambi vanotambira kuti vange vachisimukira panzvimbo zvavanenge vainazvo kusanganisira mabhande acho ayo ane ruvara rwakasiyana,” anodaro Sensei Mufundisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>