Mitemo yakananga kumisa Covid itsva

03 Jun, 2021 - 15:06 0 Views
Mitemo yakananga kumisa Covid itsva Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SENZIRA yekudzivirira kupararirwa kwechirwere chemhando itsva yeCovid-19 icho chakatangira kunyika yeIndia (India variant), Hurumende yava kuona kuti vashanyi vose vanobva kunyika iyi vanofanira kuvhenekwa vachiratidza magwaro avo ekuti vanenge vasina denda iri vasati vapinda munyika muno.

Hurumende yakatodzika mutemo uri pamusoro pekuchengetedzwa kweutano hweveruzhinji senzira yekudzivirira kutekeshera kweCovid-19  (New Statutory Instrument (SI 134A of 2021) Public Health Act (Covid-19 Prevention, Containment and Treatment) uyo unotaura kuti vose vanobva kunyika yeIndia vanofanirwa kunge vakavhenekwa chirwere ichi asi vachishandisa mari dzavo uye vanovhenekwa zvekare munyika muno zvisinei nekuti vanenge vambouya vakavhenekwa kunyika iyi.

Chikamu chemutemo uyu (Subsection (4) Paragraph (b) chinotaura kuti kana munhu achibva kunyika iyi achipinda muZimbabwe, achavhenekwa zvekare, kana akaonekwa kuti ane Covid-19 anoendeswa kunogara kwake oga (isolation centre) asi achishandisa mari dzake.

Kana akaonekwa asina utachiona uhwu, anogariswa kwake oga pangava pahotera kwemazuva gumo kubvira pazuva raasvika uye mushure menguva iyi azonovhenekwa zvekare,” chinodaro chikamu cheS1 134A chemutemo.

Mutemo weSI 134A uyu wakavapo mushure mekunge imwe mhuri yekuKwekwe yakaonekwa iine utachiona hwenhando yekuIndia hweB.1 617.2 mushure mekunge muzukuru wavo abva kuIndia.

Vachitaura pachirongwa chePost Cabinet Briefing nemusi weChipiri, gurukota rekufambiswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa vanoti vanhu vanofanira kungwarira mamwe mashoko emanyepo maringe nechirwere cheCovid-19 ayo anotendererdzwa pamasaisai akaita seWhatsApp.
“Hurumende inotora mukana uno mukuzivisa veruzhinji kuti bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakaumba chirongwa chinodaidzwa kunzi ‘ZIMCOVID Safe Interactive App’ nenzira yekuderedza kudhurirwa kwevanhu pakushandisa masaisai apo vanenge vachitsvaga ruzivo maringe nechirwere cheCovid-19. App iyi inokupai ruzivo rwuzere maringe nechirwere cheCovid-19 muchiwaniswa mikana yekubvunza muchipindurwa pakare pachinzvimbo chekufona.

“Kuburikidza neAp iyoyi, munoziviswa kwamunogona kuenda kunovhenekwa Covid-19, kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri uye huwandu hwevanhu vanofa kana kupora pakati pezvimwe,” vanodaro.

Zvichakadaro, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rakapa mvumo yekushandiswa kwemishonga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 iyo yakagadzirwa nemafamasi ekuChina yakadai Sinovac neSinopharm.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>