Uncategorized

‘Mogarisana zvakanaka’

07 Jul, 2021 - 08:07 0 Views
‘Mogarisana zvakanaka’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Negomo vekuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central, vari kutsiudza nekuudza veruzhinji panyaya dzekushungurudzana mudzimba panguva ino yekurwisa chirwere chanetsa cheCovid-19 vachiti pfungwa dzose dzevanhu dzinofanirwa kuva pachinangwa chimwe chete chekuona kuti denda iri rapedzwa sei.

VaLucious Chitsinde – avo vanova Mambo Negomo – vanoti munguva ino yekuomerwa nezvinhu nekuda kwechirwere cheCovid-19, dzimwe mhuri dzigere pamwe chete dzinonetsana vanhu vachipomerana mhosva dzakasiyana, dzimwe dzisipo.

Vanotaura mashoko aya nekuda kwenyaya  yeimwe mhuri yekwaMukunyadzi, uko murume nemudzimai wake vari kunetsana nekuda kwekuti vakaita vana vane mitezo isina kuita zvakanaka.

Vanoti kumatare kwavo kuri kunyanya kuuya nyaya dzevanhu vemhuri imwe vachinetsana nekuda kwekupomerana zvinhu zvisina nematuro.

“Tine nyaya yemukadzi nemurume vari kugara vachinetsana nekuda kwekuti vakabereka vana vatatu vose vane mitezo isina kuita zvakanaka. Zvinhu zvikanetsa vanhu ngatiregei kutsvaga nyaya dzisina nematuro asi kuti titsvage kuti topedza sei matambudziko aya. Mwana chipo chinobva kuna mwari saka ngatigashirei zvose zvatapihwa nekuti zvine chinangwa,” vanodaro Mambo Negomo.

Vanoti dzimwe dzenyaya dziri kunyuka nekuda kwekuoma kwezvinhu, kunangana huroyi, kupomerana nyaya dzegumbo mumba gumbo kunze, nezvimwewo nekuti vanhu vari kupedza nguva zhinji vari vose.

“Musha wekwaMukunyadzi une mhuri yaita dambudziko rekunetsana nenyaya yevana vakaremara avo vagere pamuganhu wedunhu rangu neraMambo Makope. Kune vana vatatu vose vakaremara izvo zvakonzera mitauro baba vachiti vana vavo ava havana chiyamuro kwavari,” vanodaro mambo ava.

Mai Lizzy Kutyauripo (32) naVaBright Mukunyadzi (43) ndivo vabereki vevana vatatu vanoti wemakore 16 nemanyambiri vane makore 12.

Vana ava vanoti mukuru musikana koita manyambiri mukomana nemusikana uye vose vanonzi havataure kana kufamba izvo zvinoita kuti vazvibatsire vari panzvimbo.

“Dambudziko revana ava vanonzi vanoda kunorapwa kunze kwenyika izvo vanoti havasikukwanisa kuzviita nekuda kwekuti havagone kufamba nekuda kwemitemo ine chekuita neCovid-19 uyewo nekushaya mari yekuvarapisa.”

Mambo Negomo vanoti matambudziko akadai anofanirwa kugadziriswa nguva iripo sezvo vachiti zvimwe zvinokonzera kuti vanhu vakuvadzane kana kuurayana.

Vanotizve murume wepamusha apa anonzi ari kugara achituka mudzimai wake kuti sei akabereka vana vane mitezo isina kuita zvakanaka.

“Tinonzwa kuti murume ari kuti ava kuda kuroora mumwe mudzimai nekuda kwekuti ari kupomera mudzimai waainaye uyu kubereka vana vakaremara asi hakuna anosarudza kubereka vana vakadai,” vanodaro Mambo Negomo.

Vaviri ava vakaroorana mugore ra2004 uye vanonzi wanano yavo yasvika pakashata nekuda kwekubereka vana vakaremara ava.

Mai Lizzy Kutyauripo vanotsinhira nyaya yekuti vaigara vachinetsana nemurume nekuda kwevana vakaremara ava.

“Ichokwadi handina rugare nababa vari kuti vana vatatu vatinavo zvirema havana pundutso kwavari vachiti vanoda kuroora mumwe mukadzi kuti vakwanise kuita vana vane mitezo yakanaka. Murume wangu ndiye ane hama dzake dzinza rose vanova zvirema,” vanodaro Mai Kutyauripo.

Vanoti vanogara vachitukwa nenyaya iyi zvekusvitswa kutsime chaiko.

Dambudziko ravo vanoti vana ava vanoda kugara vachiendeswa kunorapwa kuchipatara asi vasina mari sezvo vachiti vanonzi vanorapwa kunze kwenyika.

VaBright Mukunyadzi vanobvuma nyaya yekuti vanogara vachinetsana nemudzimai wavo nekuda kwevana vakaremara.

“Ichokwadi tine vana vatatu chete avo vose vakaremara. Zvekutuka mudzimai ndichiti vana havana profit kwandiri ndinozvitaura uyewo nekuti ndinoda kuroora mumwe mukadzi anogona kubereka vana vasina kuremara. Ndinoti uku kudhakwa kwandinenge ndakaita asi vana vangu nemudzimai ndinovada. Ndinokumbira ruregerero,” vanodaro VaMukunyadzi.

Vana ava vanonzi vaimbogara vachienda kuchipatara cheHoward kunoita mitambo inosimbisa muviri izvo vasisaite. Nyanzvi dzezveutano dzinoti vana ava vane dambudziko re”celebral palsy” iro rinoda kuti vagare vachiita mitambo yekusimbisa miviri.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuvabata panhare dzinoti 0785 194 613, 0773 436 271 kana 0777 382 468.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>