Mombe 18 dzauraiwa nemheni

25 Dec, 2022 - 09:12 0 Views
Mombe 18 dzauraiwa nemheni Mombe dzafa dzarohwa nemheni

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VARIMI vekwaMambo Chireya, kuGokwe, varasikirwa zvakanyanya zvichitevera kuuraiwa kwemombe dzavo 18 dzinokosha US$7 000 idzo dzakarohwa nemheni.

Vafudzi vemombe vaviri vakapona nepaburi retsono apo vakavhungwa nemheni iyi izvo zvakaona mumwe wavo achikandwa chinhambwe.

Mumwe wacho akapotsa afa sezvo imwe mombe yakarohwa nemheni yakawira pamusoro pake.

Zvakatorera vagari vemumusha uri pedyo nguva yakareba kuti vamubatsre.

Mombe 18 idzi dzaive dzevarimi vatatu izvo zvakaona mumwe wavo achirasikirwa ne10 apo mumwe akarasikirwa neshanu newechitatu akarasikirwa nenhatu.

Murimi akafirwa nemombe 10 nemumwe akafirwa neshanu, vose vakasara nemombe imwe chete pamunhu kuchiti wechitatu akabva avhara danga sezvo akafirwa nemombe dzake dzose.

Gokwe North district development co-ordinator (DDC), VaMartin Musakanda, ndivo vakazivisa nezvechiitiko ichi.

Vanoti mombe idzi dzaive dzaVaNyasha Chivaviro, VaRichard Kapfumo nemunin’ina wavo VaSvorai Kapfumo.

VaChivaviro vakafirwa nemombe 10 kuchiti VaRichard Kapfumo vane mombe shanu dzakafa apo VaSvorai Kapfumo vakafirwa nenhatu.

“Ndinozivisa kuti takagamuchira shoko redambudziko rakasangana nevarimi vatatu vekwaMadzivazvido muWard 3, kwaMambo Chireya, kuGokwe North District. Varimi vatatu ava vose vakarasikirwa nemombe 18 mushure mekunge dzarohwa nemheni,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>