Uncategorized

Mombe tasa pamubhedha . . . Yakatopotsa yauraya muridzi

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Mombe tasa pamubhedha . . . Yakatopotsa yauraya muridzi Mombe yakafira pamubhedha

Kwayedza

Gibson Mhaka
ZVAARI MASHURA!
Mombe dhonza bherengende kupinda mumba, tande kubheduru, ndokunorara mumagumbeze ari pamubhedha, ichibva yafirapo?
Mashura aya akaitika kwaChakwenya, kwaMambo Chiendambuya, kuManicaland, uko dhonza kana kuti jon’osi remombe – mutumba chaiwo – rakangoerekana ramuka chibhebhenenga, ndokudzingirira muridzi waro richida kumutunga nekumutsika-tsika, pashure rikazopinda mubhedhuru make umo rakasvetukira pamubhedha richibva rafirapo.

Mombe yakakora iyi inonzi yakada kutunga nekutsika-tsika muridzi wayo, VaJob Chakwenya, avo vakapona nekutiza vachidaidzira kune vamwe kuti vavabatsire.

Mumwe wevakaona mashura aya, asi ndokuramba kuti adurwe nezita nekutya, anoti VaChakwenya vachiri kunetsekana zvikuru nezvakaitika kwavari izvi uye vamwe vagari veko vane fungidziro yekuti nyaya iyi ine chekuita nehuroyi.

“Zvatakaona zvaityisa, mombe iyi – iyo isina munhu akange aikanganisa – yakangotanga kusvetuka yakananga kumuridzi wayo ichida kumutunga nekumukanda mudenga nenyanga dzayo. Mombe iyi yakadawo kutunga ani zvake aiedza kuenda mberi kwayo.

“Kuita seyainge yagarwa, mombe iyi yakazonopinda mubhedhuru remuridzi wayo, umo yakasvikosvetukira pamubhedha ndokufa iripo,” anodaro.

“Vanhu vaive pamusha uyu vakatiza kwechinguva sezvo vakatya zvaiitwa nemombe iyi vachimirira kusvika kwemapurisa nevekubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfiyo kuti vazobvise mombe iyi.”

Apo vashandi vekubazi reDepartment of Veterinary Services vakasvika, mhomho yevanhu vemunharaunda vakaungana vachida kuona mombe iyi yakafira pamubhedha paive nemagumbeze.

VaChakwenya vanotsinhira chiitiko ichi asi vanoramba kuti nyaya iyi ine chekuita nehuroyi vachiti vashandi vekuVeterinary vanoti chipfuyo ichi chinogona kunge chaiva nechirwere chechimbwamupengo, icho chakakonzera kuti chipengereke nekuzofa.

“Ichokwadi, ndizvo zvakaitika kwandiri uye pamba pangu. Mombe iyi yakangobva muchisango chiri pedyo nemusha ichimhanya yakandinanga zvikaita kuti nditize ndichishevedzera rubatsiro kuvavakidzani.

“Pabvonga-bvonga yakaitika iyi, vanhu vose vakambotiza pamusha uye ndinovimba kuti mombe iyi yakatora mukana uyu ichibva yapinda mubhedhuru umo yakazofira.

“Pandakazodzoka ndiine vamwe vanhu, takawana mombe iyi irere yatofa mubhedhurumu mangu. Ndakachaira nhare mapurisa nevashandi vekuVeterinary avo vakauya vakaiongorora.

“Mushure mekunge vaiongorora, vakati yaive yabatwa nechirwere chechimbwamupengo,” vanodaro VaChakwenya.
Vanoti mapurisa neveVeterinary vakati mutumbi wemombe iyi uvigwe, asi pavakangoenda chete, vagari vemunzvimbo iyi havana kuzvitevedzera vachibva vaivhiya, ndokugovana nyama yacho.

VaChakwenya vane fungidziro yekuti mombe iyi inogona kunge yakarumwa nembwa kana gava rine nechimbwamupengo.

Share This:

Sponsored Links