Mosquito orova mukadzi, uku achipfimba shamwari dzevana vavo

01 Feb, 2023 - 16:02 0 Views
Mosquito orova mukadzi, uku achipfimba shamwari dzevana vavo Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

SHASHA yakambonetsa mumutambo wetsiva – Alfonso “Mosquito” Zvenyika – akazvuzvurudzirwa kudare reHarare Civil Court achipomerwa mhosva yekurova mudzimai wake, Jesmine Alfonso.

Mosquito anonzi ane tsika yekurova mudzimai wake kana vakatadza kunzwisisana uye ari kupomerwa zvakare kupfimba shamwari dzevana vake.

Jesmine anoti ave kutyira upenyu hwake sezvo Mosquito aine tsika yekumurova nguva nenguva kana vakangotadza kunzwisisana.

“Zvenyika ishasha yezvibhakera asi ave pamudyandigere, anondirova pose patinoita gakava zvekuti kukamba yemapurisa yeMbare Police Station vave kutotiziva nenhau yekugara tichingorwa,” anodaro.

Jesmine anoenderera achiti: “Ane tsika yekupfimba shamwari dzevana vedu, mumwe musi ndakatoona tsamba yaaipfimba musikana uye ndizvo anotofarira kuti ndione tsamba idzodzi. Anondirambidza kunoona hama dzangu uye kuti ndishandirewo mhuri.”

Achipawo divi rake, Mosquito anopokana nezvose zvakataurwa nemudzimai wake achiti akapedzisira kumurova makore manomwe adarika.

“Hongu, zvevasikana ndinoita asi mhuri yangu ndinochengeta kunyangwe zvazvo ndisingachaendi kubasa. Kuuya kwataita kudare atotaura kuti inzira yekuda kundi’fixer’ chete.

“Chimwe chandisingafariri ndechekuti anoda kutamba chikudo nekupihwa mari neshamwari dzangu zvinove zvisingandifadzi,” anodaro.

Mutongi Tamara Chibindi vakarasa chikumbiro chaJesman nekuda kwekushaikwa kweumboo hwakazara hwekuti ari kushungurudzwa naMosquito.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey