Uncategorized

‘Muchafondokera marara pose-pose’

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

GURUKOTA rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti munguva inotevera pachange pave nemutemo wekuti wose anobatwa achirasira marara pose-pose anotongerwa kunofondoka pasina mubhadharo nedonzvo rekuchengetedza nharaunda.

Vachitaura pamusangano wekuzeya zvingaitwe mukuchengetedzwa kwenharaunda wakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika, Cde Muchinguri- Kashiri vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze nharaunda dzakachena.

“Bazi redu riri pakati pehurongwa hwekuti pave nemutemo wekuti wose abatwa achirasa marara pasina kukodzera apihwe chirango checommunity service.

“Iyi inzira yekuti vanhu varemekedze mitemo uye kuti vachengetedze nharaunda dzakachena,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vanoti kune dzimwe nyika dzakaita seSingapore, Tanzania neBotswana mitemo yakadai ndiyo inoshandiswa kuti nharaunda dzigare dzakachena.

“Zvakare imwe yambiro yedu ndeyekuti makambani anofanirwa kuedza nepose paanogona kushandisa mapepa anokwanisa kubikwa patsva nedonzvo rekuchengetedza nharaunda,” vanodaro.

Pari zvino vanobatwa nemhosva yekurasira marara pose-pose vanobhadhariswa faindi inobvira pa$20 zvichienda mberi.

Share This:

Sponsored Links