Muchandiona: Dhemere. . . “tiri kutora mukombe”

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Muchandiona: Dhemere. . . “tiri kutora mukombe” Kudzanayi Dhemere

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wechidiki wechikwata cheDymanos uyo ari kupisa parizvino Kudzanayi “KD” Dhemere (19) anoti shuviro yake kuhwinha mukombe wePremier League neDeMbare pamwe nemubairo weRookie of the Year.

Mukomana uyu ari kuzunza mambure zvinodadisa izvo zvakamuona achinwisa apo chikwata chake chakakunda CAPS UNITED musemi-fainari yeZNA Charity Shield Cup.

DeMbare yazohwinha mukombe uyu nekukunda kwayakaita Highlanders 2-1 mufainari yemutambo uyu svondo rapera kunhandare yeNational Sports Stadium.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro naDhemere.

“Mutambi wese wenhabvu chaanoda kusimudza mukombe wePremier League uye ini ndiwo wandiri kuda chete mwaka uno.

“Ndasimudza iwowo, ndochizohwina mubairo weRookie of the Year, hunge ndikaramba ndichishanda nesimba. Asi chandiri kuona ndechekuti rutsigiro rwandiri kupihwa nevatsigiri runorakidza kuti basa randiri kubata munhadare rakakosha uye ndinovavimbisa kuti ndicharamba ndichishanda nesimba,” anodaro Dhemere.

Dhemere, uyo akazvarwa musi wa26 Chikumi 1998 kuEdith Maternity Hospital, kuMbare, muHarare akatanga kutambira Dynamos mugore ra2016.

Asati aenda kuDeMbare, akambotambira zvikwata zvinosanganisira CT Academy neCatholic Saints uko kwaakabikwa tarenda rake.

Kuenda kwake kuDeMbare kwakamuzarurira mikana yakawanda sezvo achiti ave kuona achisimukira kusvika pakuzotambira kana chikwata chenyika chemaWarriors.

“Ini ndakakura ndiri mutsigiri weDynamos uye kuwana mukana wekuitambira kunondifadza zvikuru saka ndinoshuvira kuramba ndichisimukira.

“Dynamos ndicho chikwata chikuru muno,  kuchitambira kunobatsira mune zvakawanda uye kurairidzwa naLloyd Mutasa kuri kundibatsira kusimukira saka ndinoona ndichienda kure,” anodaro Dhemere.

Mutambo wake wekutanga achitambira Dynamos FC waive wegore radarika apo chikwata chake chakasangana neBantu Rovers uye iye akapinda sasabhu mumutambo uyu.

Anoti achiri kuurangarira mutambo uyu sezvo achiti ndiwo waita kuti asvike paave nhasi.

Asi Dhemere anoti mutambo waasingakanganwe ndeweZNA Charity Shield Cup neCAPS United uyo waakaniswa gobhora rakanetsa zvikuru.

“Gobhora rangu paKepe-kepe richagara riri mundangariro dzangu nekuti waive mutambo mukuru uye ndikanwisa. Hapana asingade kunwisa pamutambo mukuru wakaita seiwowo, ishuviro yemutambi wese,” anodaro Dhemere.

Zvakadai, mumhuri memutambi uyu mune vana vatanhatu – vakomana vana  nevasikana vaviri – uye iye ndiye ega anotamba bhora.

Anoti kuti asvike paari iye zvino rutsigiro rwevabereki vake avo vaimubhadharira zvese zvaidiwa kuti aende kunotamba nhabvu nekudaro ane rudo nekurudzo rwakanyanya kwavari.

“Rutsigiro rwandinopihwa nevabereki vangu rwakanyanyisa, ndivo vakaita zvese kuti ndisvike pandiri nekuti zvese zvaidiwa vainditsvagira vachindibatsira kuti ndisimukire.

“Mukoma wangu wandinotevedzera anondibatsira zvikuru patinenge tiri kumba nekuti anondibatsira kuita gadziriro dzangu. Kumitambo anouya uye anondipa rutsigiro rwakanyanyisa,” anodaro Dhemere.

Anoti shuviro yake mune remangwana kuzotambira chikwata chenyika chemaWarriors pamwe neBarcelona mukufamba kwenguva iyo anotsigira zvikuru.

“Ndinotsigira Barcelona zvikuru uye kana ngirozi chena ikazovaima muhupenyu hwangu ndinoshuvira kuzoitambirawo rimwe zuva, hunge mukana ukauya kwandiri.

“Asi chandiri kufunga panguva ino kuhwina nechikwata changu Dynamos FC uye ndinoda chaizvo kuzomboshevedzwa kuzotambira nyika yangu nekuti mutambi wese anoda zvikuru kutambirawo nyika yake rimwe zuva,” anodaro.

Dhemere anoti panguva ino apo ave kuita achizivikanwa anotarisira kuzochengetawo vemhuri yake, kusanganisira vabereki vake kuburikidza nenhabvu.

“Ndinodawo kuzogara hupenyu hwakanaka hwatinoona vatambi vekuEurope vachigara saka ndave kutanga kurongera hupenyu hwemangwana ndasendeka kutamba nhabvu. Ndinoda kuzotengawo imba nemotokari kuburikidza ekutamba nhabvu uye ndinoshuvira kuzochengeta mhuri yedu ndichiendesa vanin’ina vangu kuchikoro,” anodaro Dhemere.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>