Muchongwe, Katsvere vokwangwaya

08 May, 2020 - 00:05 0 Views
Muchongwe, Katsvere vokwangwaya Edward Muchongwe (kuruboshwe) naLloyd Katsvere vari kuMbare

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIREVO chinoti kare haagare ari kare chava kuzadzikiswa nekusanduka kwaita upenyu hwevarume vaviri vekumboita mukurumbira nekutamba nhabvu muno.

Edward Muchongwe (56) naLloyd Katsvere (54) — vose vari kugara mumusha weMbare, muHarare — vanoti vari kudya nhoko dzezvironda.

Vaviri ava vakasimudza mureza weZimbabwe munyaya dzenhabvu kutambura kusati kwavavinga.

Muchongwe akaita mbiri achitambira Dynamos, CAPS United nechikwata chenyika cheZimbabwe Warriors, kuchiti Katsvere akanetsa achitambirawo Dynamos nechikwata chenyika.

Vaviri ava vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka sezvo nhamo iri kuvatamba tsvina.

“Ichokwadi, zvinhu hazvina kumira mushe. Tinotoda rubatsiro, hatina mabasa ekuita zvikuru panguva ino apo vanhu tiri kunzi tigare mudzimba nekuda kweCovid-19,” anodaro Katsvere.

Anoti dzimwe nguva anomborarama nekutengesa chando (ice) rinova basa raanoti harifambe zvakanaka apo vagere pamba mazuva ano.

“Hakunawo zvikwata zvinodawo kutitora kuti tirairidze nhabvu, saka upenyu hwatiomera.

“Nechido chenhabvu, ini ndinombodzidzisa vechidiki pachena muno muMbare,” anodaro Katsvere.

 

Share This:

Sponsored Links