Uncategorized

Mudhara ‘Jesus’ wekuChi-town

03 Mar, 2020 - 13:03 0 Views
Mudhara ‘Jesus’ wekuChi-town VaGilbert Makombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Kazhinji, vanhu vakanzwa zita rekuti Jesu vanowanzofunga nezvemwanakomana waMwari Jesu Kristu asi kuChitungwiza kune mumwe ane musiyano uyo anonzi “Mudhara Jesu”.

Uyu anogadzira matayi emotokari.

VaGilbert Makombe (58) avo kumusha vanobva kwaMupawose, kwaMambo Ngezi, kuMhondoro vanoti vakapihwa zita remadunhurirwa rekuti “Mudhara Jesu” munguva yehondo yerusununguko ndokubva rapfumbira kusvikira nhasi.

Vanoti vaive murwi wehondo yekusungura Zimbabwe vari pasi pemauto eZipra vachirwira vari mudunhu rePlumtree.

Murwi wehondo yeChimurenga uyu anoti rimwe zuva iye nevamwe varwi vakabata vachena vainzi vatengesi avo vaifanira kuuraiwa asi iye ndokuramba kuti vapfuudzwe upenyu hwavo.

“Ndaiva murwi wehondo ndiri kuZipra makore ekuma1970 ndiri kuPlumtree. Munongoziva kune zvaiitika munguva iyi saka kune murungu ainzi Busumani kana kuti Ernest Rosenvale aiva adziparamura nevamwe vake sezvo taiva muchirongwa chekusunungura nyika. Vaifanirwa kuuraiwa asi ndikazviramba.

“Varungu ivavo ndivo vakazonditumidza zita rekuti Mukoma Jesus rinova zita rakaramba richishandiswa kusvika nanhasi ndinongonzi Mudhara Jesus. Vamwe vasingazive vanotouya kuno kwaChikwanha vachitsvaga Jesus vachifunga kuti ndiJesu mwanakomana waMwari chaiye,” vanodaro.

Vanoti vari kushushikana kuti kune vamwe vave kushandisa zita iri vachibira vanhu mari vachivanyepera kuti maporofita emandiriri.

Murume uyu ane madzimai maviri nevana 15. Mudhara Jesu vanoita basa rekugadzira matayi matsaru nekuatengesa nemamwe matsva.

“Kubva munguva yehondo iyi, vanhu vakabva vava kungonditi Mudhara Jesus kusvikira mugore ra1980. Takadzoka kubva kuhondo ndokupihwa mari dzedu dzekutendwa neHurumende apo ndakabatana nemukuwasha wangu mugore ra1984 uyo aigadzira matayi pano paChikwanha kusvika nanhasi uno, kunyangwe iye akazoshaika,” vanodaro.

Nebasa ravari kuita rekuzvishandira iri, Mudhara Jesu vari kukwanisa kuraramisa mhuri yavo zvakadzikama.

Vanoti kune vanhu vanotobva kure vachiuya kwavari vachida kubatsirwa mumatambudziko akasiyana vachiti vanenge vanzwa kuti kune murume anonzi Mudhara Jesus anova muporofita mukuru idzo dziri nhema.

“Zita iri raenda kure, vamwe vanhu vanobva kwakaita sekuMalawi, kuMozambique, Zambia nekumwe vachida kubatsirwa vanzwa kuti kuna Jesu. Ini handibatsire vanhu, ndinogadzira nekutengesa matayi. Muno vanonditi Mudhara Jesus wematayi saka ndinoti vanhu ngavazive chokwadi vorega kuuya kwandiri vachida kubatsirwa mumatambudziko mamwe kunze kwezvematayi,” vanodaro Mudhara Jesus.

Vanoti vakaroora madzimai avo maviri anoti Christine Chidhuza (52) vanova vahosi vane vana 6 naMugove Chikodze (42) ane vana 7.

“Ndinemba yangu kuUnit J, muno muChitungwiza uyewo ndine musha kuMhondoro. Ndinobatsirawo vana vechikoro vanoshaya kumusha nekuno.

“Pamusoro pezvo, ndine chirongwa chandinotsigira panhepfenyuro uko kwandinopa vana mibayiro mushure mekubvunzwa mibvunzo,” vanodaro.

Mudhara Jesus vanopinda chechi yeSeventh Day Adventist.

VaKenneth Somanje (67) avo vanoshandirawo paChikwanha vanotsinhira kuti kune vamwe vave kushandisa zita rekuti Mudhara Jesus kuda kubira vanhu mari.

“Kune vanouya pano vachitsvaga kuti vanoda kubatsirwa mumatambudziko avo naMudhara Jesus. Vakuru ava vanogadzira matayi nekutengesa kwete kuti muporofita. Vanhu musabirwe mari,” vanodaro VaSomanje.

Zvichakadai, kune vanhu vakasiyana nguva yadarika vaibuda pachena vachiti ndivo Jesu mwanakomana waMwari avo vanosanganisira mumwe musikana wekuGuruve.

Mbiri yevanhu ava inongoperera mukutaura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>