Mudiwa orojera Paradzai Mesi imba kwaSeke ‘. . . chindiitaiwo minister wekudhakwa’ ‘. . . zvizivei, kukava dafi kuriyambutsa’

24 May, 2023 - 15:05 0 Views
Mudiwa orojera Paradzai Mesi imba kwaSeke      ‘. . . chindiitaiwo minister wekudhakwa’  ‘. . . zvizivei, kukava dafi kuriyambutsa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI wemusambo weSungura, Paradzai Mesi (52) – uyo anotungamirira chikwata cheNjerama Boys – anoti kukava datya kuriyambutsa uye haagone kusiya doro nekuti kudai zvaibvira aitopihwa hake chigaro chekuva gurukota rinoona nezvezvinodhaka munyika.

Muhurukuro neKwayedza pamusha mutsva paari kugara achirojerwa kwaSabhuku Nyamadzawo, kwaMurape, kuDema, kwaSeke, Mesi anoti upenyu hwake hwasanduka zvichitevera tsekwende yaakasangana nayo nguva pfupi yadarika apo akasungwa achipomerwa kuba zvinhu muchitoro chekuConcession, kudunhu reMashonaland Central, uko aigara.

Mesi aimbogara pakomboni iri papurazi reKiyawora, kuConcession, uko akazobva mushure mekunge vamwe vane tsiye nyoro vapindira kuti vamubatsire apo Kwayedza yakaburitsa nyaya yake yekuti ari kutambura zvakanyanya mushure mekusungirwa kuba magirosari muchitoro.

Muimbi uyu, uyo akaberekerwa kunzvimbo yeMadziva, kudunhu reMashonaland Central, nguva pfupi yadarika akasungwa ndokuendeswa kumatare edzimhosva kuConcession achipomerwa kuba zvinhu muchitoro.

Zumbu

Nyaya iyi yakazobviswa kumatare nemuridzi wechitoro chinonzi Mesi ainge aba zvinhu.

“Handina kuba, ndakatoitwa zvekukandwa mutakishopu ndakadhakwa nevanhu vaiva vaba magirosari. Vakaita izvi vakandipomera kuti ndakaba.

“Asi kukava datya kuriyambutsa, nyaya iyi ndiyo yandisvitsa pandiri nhasi. Kuno kune vanhu vane rudo, pamusha une imba ino yandiri kurojerwa naMudiwa Hood. Ndinovatenda vakandipa gore ndichigara pano ndichizoonawo zvekuita,” anodaro Mesi.

Muimbi uyu akawanikwa akararadza nedoro apo akashanyirwa neKwayedza kumba kwake nemusi weMuvhuro uno.

Achikuchidzira moto

Anoti haagone kusiya doro sezvo achiti kune vanoraramawo nekuritengesa saka akarirega mhuri dzavo dzinofa nenzara.

“Dai zvangu ndaitwa Minister of Alcohol nekuti handigone kusiyana nedoro, ndinoti kuti ndirege doro vanoribika ngavatange vavhara. Iwe chaiye Mapupu (munyori uno) pamwe kuti uende kuchikoro amai vako vanogona kunge vaitobika kachasu nekudaro dai pasina doro iroro, iwe ungadai usina kuenda kuchikoro,” anodaro.

Mesi anoti vanhu vekwaSeke vari kuda kuzomuita sabhuku kana kanzura munzvimbo iyi zvichitevera kuwirirana kwavo naye.

“Ndava kusvitsa masvondo maviri ndauya kuno kwaSeke uye semunhu anofamba nemakombi, ndinoburukira pachikoro cheMurape Secondary ndoenda zvangu kumba kwangu. Takauya tose nemhuri yangu pamusha wakanaka une ma’tiles’ nemagetsi uye mvura iripo pamugodhi. Imba iyi ine 5 rooms.

“Chimbuzi chinoshandisa mvura chiri mukati memba uyewo kune imwe blair toilet kunze. Pano pane danga rehuku hombe randinodawo kuti nditange chirongwa chekupfuya huku dzemazai kana dzemabroiler ndibatsirane nemhuri yangu, zvikuru mudzimai wangu, kutsvaga mari.”

Achitaura pamusoro pemashoko aimbobuda munhau aiti akanga awanirwa imba yekugara mune mumwe musha weshoroma muguta reHarare, Mesi anoti akangonzwawo zvichitaurwa.

“Ini handina mhosva kuti kwandava kugara hakusi kuHarare nekuti rubatsiro hausarudze, unongotambira. Vamwe vari kumaguta havagare imba yakanaka seyandiri kugara iyi. Kune vavengi vakandikomberedza, kusanganisira vamwe vaimbi, vasingade kuona upenyu hwangu huchiita zvakanaka vari kutaurira vanhu vari kundibatsira kuti musiyei akadaro, rubatsiro rwakaenda pasipo uye ndinogona kuvadura izvozvi vaimbi vacho.”

Semunhu asina chitofu chemagetsi, Mesi anoti ane dambudziko rehuni dzekubikisa sezvo nzvimbo yaari kugara isina miti kana huni.

Achitaura pamusoro pemamiriro emhuri yake, Mesi anopa tsanangudzo yakasiyana nezvaakambotaura nguva pfupi yadarika paakaita hurukuro neKwayedza apo akati ane vana vanomwe uye kuti akamboita madzimai matatu.

“Ndakambonamata chechi yechipositori uko ndakanga ndava kuda kuita muRaba Huma nekuti ndaiva nemadzimai akawanda vaisvika 7 kana 8, ndikaita vana 14. Asi vari mumba izvozvi ndine vana 7 navahosi vari pano pamba. Takauya tose nemudzimai kuno,” anodaro.

Anoyambira vanhu vari kuda kuodza mwoyo yevari kumubatsira kuti vasiyane neupenyu hwake zvachose.

“Unonzwa vamwe vanhu vane mazita makuru mukuimba vachiti ndisabatsirwe asi iye wacho anodaro imbwa chaiyo kana katsi, haana kumbondipa. Ndinoti ngavatambire kure.”

Mesi anotenda vose vari kumubatsira kuti upenyu hwake huendeke.

Pamusha mutsva uyu, Mesi ari kugara nevamwe vechikwata chake chekuimba.

“Mashoo ndiri kuita, nemusi weMugovera uno taiva kuDzivaresekwa uko tairidza pabhawa reDziva. Hamheno vari kuti ndakapera, ngavazive kuti vanhu vanondida. Kune vanoda kuridzirwa tiriko, band rakakwana uye ndine vana vangu vatatu mukati maro nevamwewo kuita vanhu 12.

“Izvozvi magitare edu anokwana 4 tinawo pano, takatomirira kuridza.”

Kwayedza haina kukwanisa kubata Mudiwa Hood kuti ataurewo pamusoro pekubatsira kwaari kuita muimbi uyu.

Mai Taurai Viyola (43) vanova muvakidzani waMesi kwaSeke, vanoti vakatambira muimbi uyu munharaunda mavo mune zvakanaka.

“Mhepo dzinosimuka sezvakaitika kuna Paradzai Mesi, asi takamutambira, mumwe wedu uye tichamutsigira. Hatimbofa takafunga kuti tigere nembavha sezvakabuda mumapepanhau,” vanodaro Mai Viyola.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey