Mudzimai anunura mwana mumazino egudo

24 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Mudzimai anunura mwana mumazino egudo Maronda akaita mwana mushure mekurumwa pamwe nekuzvuzvurudzirwa pasi negudo

Kwayedza

Sukulwenkosi Dube-Matutu

MUDZIMAI wekuWest Nicholson, kuGwanda akanunura mwanakomana wake ane mwedzi 18 yekuberekwa kubva kugudo iro raimuzvuzvurudza richienda naye musango.

Kunyange zvazvo makudo asingawanzo kurwisa vanhu, ane mazino makuru, nzwara dzakapinza uye anogona kutyisa kana akatarisana nevanhu.

Zvisinei, kune mamwe mashoko anogarotaurwa neveruzhinji ekuti makudo anozvidza vanhukadzi nevana uye dzimwe nguva anosvika pakuvarwisa mukunetsana kwevanhu nemhuka apo mhuka dzinotsvaga chikafu muminda yezvirimwa.

Mai Petronella Moyo (22) vanoti horomba yegudo iyi yakanga yabvuta mwana wavo.

Gudo iri rakanyudza mazino kaviri richiruma mwana uyu ndokumusiya aine maronda akadzika mushure mekumuzvuzvurudza pasi kwemamita angangoita makumi mashanu nemusi weChina wadarika.

Mwanakomana uyu ari muchipatara cheGwanda Provincial Hospital uko ari kurapwa uye akabaiwa majekiseni ekudzivirira chimbwamupengo.

Vachirondedzera nezvemanenji aya, Mai Moyo vanoti vakanzwa kuchema kwemwana wavo apo gudo iri raimurwisa izvo zvakaita kuti vabatwe nekutya kukuru.

Vanoti vakatanga kudzingirira gudo iri apo raizvuzvurudza mwana wavo zvakaita kuti asvuuke ganda rake zvakanyanya.

“Mamwe makudo akange ambouya munharaunda yedu munguva dzemangwanani uye vavakidzani vakaedza kuadzinga. Ndaive muimba yekurara apo mwana wangu aive mune yekutandarira. Ndakanzwa mwana wangu achichema uye ndokuenda kwaaive ndakaona gudo rakamubata gumbo richibva ratiza.

“Ndakatevera gudo iri uye panguva imwe chete ndairidza mhere senzira yekurityisidzira. Rakanga richidhonza mwana wangu achichema nekurwadziwa. Pandakange ndave pedyo naro chinhambwe chingangoita mamita 50, gudo iri rakadonhedza mwana wangu pasi ndokutiza.

“Mwana wangu akakuvara zvakaipisisa sezvo gudo iri rakamuruma kaviri uye akaitawo maronda ekuzvuzvurudzirwa pasi,” vanodaro.

Vagari vemudhorobha reGwanda nenzvimbo dzakapotenderedza vakatarisana nedambudziko remakudo ayo anovhura magonhi emudzimba achitsvaga chikafu pamwe nekuvhura pombi achisiya mvura yakavhurika.

Izvi zviri kukonzera kuti vatadze kuita mabhindauko akadai sekurima mapindu, kuve nemiti yemichero nekupfuuya huku.

Makudo aya anonzi ari kunetsawo pachipatara cheGwanda Provincial Hospital, St Christopher’s Primary School, Mount Cazalet Primary School neJoshua Mqabuko Polytechnic College.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>