Uncategorized

Mudzimai ogara nevarume vaviri

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mudzimai ogara nevarume vaviri Winnie Mariyapera achiedza kunwa mushonga apo aidziviswa naFedious Makumbe - Mifananidzo naEdward Zvemisha.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wekwaMambo Makope, kuChiweshe, uyo ane chipari chevarume vaviri akapotsa azviuraya svondo rapera apo akada kunwa muchetura nechikonzero chekuti sei Kwayedza yakanga yamubvunza nezvenyaya iyi.

Winnie Mariyapera (74) wemubhuku raMakumbe, ane varume vaviri vanoti Malvern Mariyapera (78) — uyo anova murume wake wekutanga — naFedious Makumbe (60) uyo anonzi akatiza mhuri yake achinogara pamba pemukadzi uyu.

Mudzimai uyu paakasvikirwa neKwayedza pamusha pake aina Makumbe ndokubvunzwa nezvenyaya yechipari iyi, akatanga kupengereka achiti anoda kuzviuraya nekuda kwekuti haadi kuti nyaya iyi ifumurwe.

“Ndinoda kuzviuraya chete nenyaya iyi, akandiwana ndirere naMakumbe ndiyani? Handisvike Saturday ndiri mupenyu, munodzoka pano ini ndafa! “Regai nditore mushonga wangu ndinwe mugozodzoka pano ndafa. Madzva, ndauwana, ndave kutonwa izvozvi,” vanodaro Mai Mariyapera.

Mukupopota kwavaiita, vanoti murume wavo wekutanga, Mariyapera ndiye akaudza Makumbe kuti azomuchengetera mhuri yake apo iye aienda kumapurazi kunotsvaga basa.

“Haisi mhosva yangu, iye Mariyapera paaindisiya kushamwari yake munhu wechirume aiti ihanzvadzi yake here? Aiva nehukama naye? Ndiye akazvikonzeresa, handina basa nazvo, achasara achikwangwaya iye Mariyapera. Ndichaparadza dzimba dzose dziri pano ndikangopedza kukohwa, ndoenda kumba kwaFedious Makumbe kwacho ndonogara naye nekuti ndizvo zviri kudiwa nevanhu,” vanodaro amai ava apo vainge vakatsvukisira vatori venhau maziso nehasha.

Mudzimai uyu akanofukunura kabhodhoro kaiva neunenge mushonga pasi pevhu, ndokumhanya nako achikwira makomo achiita seaida kuunwa.

Asi, akazodzoka muimba yekubikira ari chahwiriri kumhanya apo vatori venhau nevamwe vaivepo, kusanganisira Makumbe, vakamudzivisa kuti asadhudhudzire kunwa muchetura.

“Ndave kutofa, ndanwa kare mushonga. Mubva matakura chitunha changu imi (veKwayedza) kuenda nacho kubasa kwenyu mosarudzana imi vatatu kuti chinonovigwa kumusha kwaani.”

Mai Mariyapera vanoenderera mberi nekupaumba: “Murume wangu aishanda naMakumbe vari kuChikuti, tikazodzoka kuno kumusha. Izvozvi murume wangu ari kupurazi kwaanoshanda, anotoziva kuti shamwari yake ndiyo inondibatsira basa pano. Kunyangwe mukadzi waMakumbe anozviziva.” VaEdwiss Bonga, avo vanova muzukuru waMakumbe, vakapinda basa vachiedza kubvutira mudzimai uyu muchetura uyo aida kunwa.

VaBonga vanotsinhira zvekuparikwa kwasekuru vavo nemudzimai uyu.

“Nyaya iyi iri pachena, hapana munhu asingaizive muno kuti amai ava vari kuparika varume vaviri,” vanodaro VaBonga.

Asi VaMakumbe vanoramba nyaya yekuti vari kuparikwa.

“Zvinotaurwa muno, kuti ndinodanana naamai ava. Kungovabatsira chete kurarama semunhu anogara oga pano. Mariyapera ndisahwira wangu, ndiye akanditi ndisare ndichimuchengetera mhuri yake. Izvo zvekuti akauya anorara mukicheni ini ndichirara nemudzimai mubhedhuru kunyepa,” vanodaro.

Murume uyu anoti anofamba nemudzimai wasahwira wake uyu vachienda kunohodha, kunotengesa nekuitawo mamwe mabasa.

Kwayedza yakatowana VaMakumbe vari kumba kwaMariyapera uko vaiomesa fodya yavakarima vose kumunda kwaVaMariyapera.

“Izvozvi ndiri kupisa fodya pano sepamba pasahwira wangu, kwete kuti ndinodanana naamai ava. Nyaya  iyi iri kutaurwa muno asi handizvo, kuvengwa chete nekuti tinowirirana sitereki,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hapana zvandaigona kuita nekuti uyu ndisahwira wangu akanditi vadzimai vangu avo mundionerewo ini ndave kubuda kunoshava.”

Murume uyu akabvuma kuti ndiye akaita zvose panhamo yaamai vasahwira vake.

Kwayedza haina kukwanisa kuona VaMariyapera avo vanonzi vari kushanda kupurazi reMadhara, kwakare kuMvurwi.

Mai Mildred Bvuure (56), vanova mudzimai waVaMakumbe, vanotsinhira nyaya yekuti murume wavo ave kugara nemudzimai wasahwira wake.

“Ini chaiye munhukadzi handibvume chipari asi baba vekwangu vari kuparikwa kumba kwavari kuenda uko nemunhukadzi. Ndizvo zviripo, ndiko kwavanotorima nekuita mamwe mabasa kuno pasina,” vanodaro.

Mambo Makope VaJacob Mapirinjanja vanotsinhira nyaya yevarume vari pachipari iyi vachiti yakasvika munzeve dzavo.

“Nyaya yakasvika munzeve dzangu nemakuhwa, aya makunakuna chaiwo anotadzisa chivanhu kufamba zvakanaka. Tiri kuvashevedza vari vatatu, vose vari kuzoripa mombe nhanhatu,” vanodaro.

Vanoti mukadzi haaparike varume asi kuti pachivanhu murume ndiye anoita madzimai aanoda.

“Mombe nhatu dzichaenda kuvadzimu vepasi vemuno, nhatu dzoenda kuna mambo. Nyaya iyi inosvibisa dunhu rangu,” vanodaro.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti varume vaviri ava vakapfuhwirwa nekudaro hapana anokwanisa kusimudza musoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>