Uncategorized

Mudzimai uye abva ‘asvipwa’ nechikomba . . . anoti atova kugara kumusha

24 Dec, 2021 - 11:12 0 Views
Mudzimai uye abva ‘asvipwa’ nechikomba . . . anoti atova kugara kumusha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekunoramwiwa nemurume wake kumba kwechikomba pamwe chete nemwana mucheche kunzvimbo yeMountain Blue iri kuKuwadzana Phase 3, muguta reHarare, ava kumusha kwevabereki vake kwaMurambinda, kuBuhera mushure mekurambwa nechikomba chaanoti chaimugutsa parudo ichi.

Patience Mujiri (27) anobva mubhuku raMushayanguwo, kwaMambo Nyashanu kuBuhera, akanoramwirwa kumba kwaNyasha Ndumo anova chikomba chake, uko akaendeswa neaiva murume wake, Shepherd Chimutashu (34).

Mudzimai uyu akanosiiwa kumba kwaNdumo husiku uko kwaingova nemudzimai wechikomba ichi, Tariro Mugwagwa (25), sezvo murume wacho anova mupurisa ainzi ainge aenda kubasa.

“Ndaendeswa nemurume wangu nehama dzake kumba kwaNyasha Ndumo zvekuti ndiye wandava kuda nekuti anondipa rudo nemwoyo wake wose. Mwana wandinaye mumawoko uyu ndewe chikomba Nyasha saka ndakazvipira kuita mukadzi wake wekutanga sezvo ndirini ndakatanga kudanana naye mukadzi waainaye asati avapo.

“Zvino Nyasha wacho handina kumuona, ndamuridzira nhare nezvenyaya iyi izvozvi haachadavira foni yangu saka ndava kuenda zvangu kumusha,” Patience anoudza Kwayedza.

Patience akarara panze pegedhi repamba panoroja chikomba chake musi waakasiiwa nemurume wake apo rechimangwana racho akazofuma achienda kumusha kwevabereki vake.

“Ndakafamba zvakanaka zvikuru, ndava kumusha uye amai nababa vangu vanditambira, zvose nedzimwe hama. Vangandirambe here? Ndinoramba ndiri mwana wavo chete.

“Ndakaita rombo rakanaka zvikuru, ndakatakurwa pachena kubva paMbudzi kunosvika kumusha vanhu vanzwa chichemo changu chekuti ndaisava nemari,” anodaro Patience.

Anoenderera mberi achiti, “Ndiri kuno kumusha ndichimirira kunzwa zvichataurwa naNyasha nekuti zvaShepherd Chimutashu zvakatopera. Handizive kumukadzi wake (waNyasha), tinotaurirana kuti tigare tose nekuti takagara tichiwirirana kubva nakare.”

VaKaison Mujiri, vanova baba vaPatience Mujiri, vakaridzirwa nhare neKwayedza vari kumusha kuBuhera vakatsinhira kuti mwanasikana wavo akasvika zvakanaka.

“Ichokwadi, akasvika Patience kumusha, ari kuno,” vanodaro VaMujiri.

Nerimwewo divi, Mugwagwa anova mudzimai waNdumo, anoti kubva pakanoramwirwa Patience kumba kwake nemusi weMuvhuro murume wake haasati adzoka kumba.

“Kubva musi waramwiwa mukadzi uyu kumba kwedu, baba havana kuzombodzoka pamba kubva kubasa, handizive kuti vari kupi. Ini ndava kutofungawo kuita hwangu upenyu kana achida ivo amai ava ovatora kuvaita mukadzi wake kwete zvekuti ini ndinogara kuiswa pachipari nemunhu akadaro,” anodaro.

Nhare dzaNyasha dzose anonzi akasiya kumba ndokuenda kusina anoziva.

Chimutashu anotiwo haachada kunzwa nezvaPatience muupenyu hwake.

Pakataurwa naPatience nemusi weChipiri achangobva kusiiwa kumba kwechikomba, aitoganza pakutaura achiti Nyasha anomugutsa parudo kudarika murume wake uye akazvipira kuramba achipisa rudo urwu nemudiwa wake.

Zvino zvazvava kunzi masamba asiyana . . .

Share This:

Sponsored Links