Uncategorized

Mudzimai waGringo ave nemwana

08 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
Mudzimai waGringo ave nemwana Netsai Meki

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUDZIMAI weaimbove shasha yemitambo yemadhirama neny’ambo – mushakabvu Lazarus “Gringo” Boora – akabatsirwa nemwana mukomana uye anoti ari kutsvaga rubatsiro rwekuriritira mhuri yaakasiirwa.

Netsai Meki anoti ari kufara kuti akatambira chipo chemwana zvisinei nekuti akawirwa nedambudziko rekushaikirwa nemurume wake Gringo apo ainge akazvitakura.

“Pakashaya VaBoora ndakanga ndiine pamuviri pemwana uyu paine mwedzi mitatu munaMbudzi gore rakapera. Ndinofara chaizvo kuti ndakabatsirwa nemwana mukomana uyu pasina dambudziko. Ichi ndicho chandingati ndicho chipo chandakasiirwawo naizvozvo ndine mufaro wakanyanya,” anodaro Meki.

Mushakabvu Lazarus ‘Gringo’ Boora

Zvisinei, Meki anoti ane matambudziko aari kusangana nawo mushure mekushaika kwaGringo.

“Ndakamboda kunyoresa midziyo nezvinhu zvemufi asi ndakatadza nekuda kwekuti mushakabvu anga aine mumwe mudzimai waakambogara naye vaine muchato. Handizivi kuti sezvo ndirini ndakange ndichigara nemushakabvu kusvika pakufa kwake handikwanisiwo here kunyoresa midziyo yake nezvimwe zvinhu zvake kuitira kuti vana vadiki ava vaakandisiya navo vawane raramo.

“Ndiri kuitira kuti ndini ndichine vana vachiri kuda rubatsiro rwakanyanya rwunosanganisira kudya nekuenda kuchikoro” anodaro.
Meki anoenderera mberi achiti, “Handikwanisiwo here kuti nditore death certificate sezvo riri iro rinoda kushandiswa kutora birth certificate remwana mutsva uyu uye kune mari dzavakasiya mumabhengi dzinoda kuti ndinge ndichitora asi hapana death certificate nekuti ndiro rinodiwa.
“Ndaitawo dambudziko rekuti kubasa kwandaienda pari zvino kwakavharwa saka upenyu hwacho hwakandiomera.”

Meki anoti kune vangada kumubatsira vakasununguka semayamuririro avaiita murume wake achiri mupenyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>