Uncategorized

Mudzimai wemunhu odyisa chikomba vana vachiona

26 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Mudzimai wemunhu odyisa chikomba vana vachiona Tandiwe nevarume

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HARAHWA mbiri dzekwaNeuso, kudunhu raMambo Ngezi, kuMhondoro dzakapedzisira dzasvitsana kudare rashe weko dzichirwira mudzimai.

Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, vanoti nyaya dzevarume vari kubvutirana madzimai dziri kuwanda mudunhu ravo.
“Tine tsika yatinetsa kuno kuMhondoro nemunyika yedu yose, yechipfambi chakurumbira kudarika ngoma yeparufu. Ini saSenator wedunhu reMashonaland West zvakare, ndawana mukana wekuzvitaura nekuda kwenyaya dziri kuitika idzi kunyangwe mudunhu rangu,” vanodaro.

Mambo Ngezi vanoenderera mberi vachiti, “Tine nyaya iri mudare rangu yevanhu vakuru avo vakatorerana mukadzi vatinofunga kuti ndivo vanofanirwa kudzidzisa vechidiki hunhu. Mudare muno svondo roga-roga munopinda nyaya dzakadai gumi kana kudarika.

“Izvozvi Leonard Muzhingi (63) akatorera VaLeonard Mavhunga (52) mudzimai anonzi Thandiwe Nyamadzawo (46).”
Vatatu ava, kubvira kuchikomba kusvika kumuridzi wemudzimai, vose vanobva kwaNeuso, kuMhondoro.
“Muzhingi naThandiwe Nyamadzawo vanonzi vakatanga kudanana makore maviri akadarika apo Leonard Mavhunga akaenda kunoshanda kupuroti uko aizodzoka mushure memazuva anoverengeka. Vaviri ava vanonzi vaidyisana nyama nesadza vana vachiona zvikazoita kuti nyaya iyi isvike kuruzhinji nekumuridzi wemudzimai,” vanodaro Mambo Ngezi.

Mhuri iyi inogara kwaSabhuku Matongo uye yakazoenda kudare raMambo Ngezi nemusi weSvondo wadarika apo Muzhingi akabatwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi.

Muzhingi akaedza kuramba mhosva iyi mudare achiti mudzimai uyu muramu wake apowo Nyamadzawo achiti chikomba ichi ndibabamukuru wake vaimuchengeta apo akarambwa naVaMavhunga.

“Ini ndakatizwa nemurume uyu akapedza makore maviri nechidimbu asipo. Akazodzoka akandiwana ndichigara kwababamukuru ndokutanga kuti ndaidanana naVaMuzhingi kunova kunyepa,” anodaro Nyamadzawo.
Nekuda kwemhosva iyi, dare iri rakaripisa Muzhingi mombe nhatu nehwai uye ndokufanomubatira madhongi matatu sezvo achiti haana mombe.

“Leonard Muzhingi awanikwa nedare rino aine mhosva yekutora mudzimai waLeonard Mavhunga. Mudzimai uyu, Thandiwe Nyamadzawo, ndiye ari pakati pekubvutiranwa nevarume ava.

“Muzhingi anofanirwa kuunza mombe nhatu nehwai izvo anoti haana saka isu sedare tafanotora madhongi ake matatu sechibatiso achitsvaga mombe idzi nehwai,” vanodaro Mambo Ngezi.

Madhongi aya anofanopihwa kuna VaMavhunga semuripo wekurwadziswa uko vakaitwa vachimirira kutsvagwa kwemombe kana mari.

Dare iri rinoti mombe nhatu dzinodiwa kubva kuna Muzhingi dzinotsika uye anogona kubhadhara US$900 ndokupihwa mwedzi mitatu yekuita izvi.

Mambo Ngezi vanoti nekuda kwekuwanda kuri kuita nyaya dzehupombwe, vane hurongwa hwekunyorera kubazi rezvemitemo nenyaya dzeParamende kuti miripo yevanhu vanenge vabatwa nemhosva dzakadai ikwidzwe.

“Izvozvi mutongo wedu pamunhu anotorera mumwe mudzimai tinoisa pamombe shanu nehwai asi vamwe tinovadzikisira nekuda kwekukurumidza kubvuma mhosva dzavo uye nechikumbiro chavanopa nekushaya,” vanodaro Mambo Ngezi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>