Mugabe onyora bhuku

03 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Mugabe onyora bhuku Joe “Kode” Mugabe

Kwayedza

Abel Ndooka

Aimbove mutambi wenhabvu weCAPS United – Joe “Kode” Mugabe — anoti ari pakati pekunyora bhuku renhoroondo yehupenyu hwake uye anokurudzira vatambi vazvino kuti vasatungamidze mari mberi asi kuti vave nechido nemutambo uyu.

Kode mumwe wevatambi vakaita mukurumbira vachitambira CAPS United izvo zvakamuona achihwina mubairo weClub Player of the Year kanokwana kana, uye mukombe wePremier Soccer League mugore ra1996.

Asi zvichitevera kusendeka kwaakazoita shangu dzake dzenhabvu, Kode akangogara kanguva kadiki muno ndokubva aenda kuEngland uko kwaari                                      nanhasi.

“Vanhu vakawanda vanoda kuziva kuti ndiri kuitei chaizvo muhupenyu hwangu kuno kuUK kwandiri, asi ngavamire mbichana nekuti ndiri kunyora bhuku rehupenyu hwangu iro richataura zvese zvandiri kuita,” anodaro.

Kunyangwe hazvo achiti ari pakati pekunyora bhuku rehupenyu hwake, Kode anoti anotevera zvikuru nhabvu yemuno achiti kukara mari kuri kukonzera vatambi vazhinji kuti vasasvike kure mumutambo uyu.

“Kana uchida kutamba nhabvu kwemakore akawanda unofanirwa kunge wakazvipira uchishanda nesimba uye uchiziva basa rako raunenge uchiita. Kazhinji ndipo panorasika vatambi vazhinji.

“Isu takatamba nhabvu panguva iyo taisawana mari, taitamba nhabvu nekuti taive nerudo nemutambo uyu. Asi vakomana vemazuvaano iye zvino vanongotsvaga kuti ndekupi kwavangawane mari yakawanda,” anodaro Kode.

Kunyangwe hake ave nemakore mazhinji ari kuUK, Kode anoti anotevera mafambiro anoita mitambo yeCastle Premiership.

“Ndinotevera zvikuru nhabvu yeCastle Premiership, ndinoda chaizvo kunge ndichiona mitambo yakawanda asi sezvo ndiri kugara kuno hazvikwanisike.

“Nhabvu iri kurakidza kuti iri kukura uye iri kufamba mugwara rakanaka. Vatambi vedu vakawanda vari kuenda kunotambira kumaligi makuru akasiyana nekudaro izvi zvinotibatsira kunyangwe kuchikwata chenyika,” anodaro.

Anoti iye nedzimwe shasha dzakambotamba nhabvu kare dziri kuEngland vane chikwata chavo chinonzi CAPS Legends UK icho chinoita basa rekuunganidza mari vachitenga zvekushandisa zvenhabvu zvavanozotumira kumusha kumaAcademy akasiyana.

Muchinda uyu ari mune rimwe boka zvekare reTeam Zimbabwe Football UK iro rinobatsira zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinotamba nhabvu kuUK.

Kode — uyo akazvarwa mugore ra1968 — akatanga kutamba nhabvu achitevera matsimba ababa vake Joshua Mugabe avo vakambotambira zvikwata zvinosanganisira BAT Ramblers Football Club.

“Ndichikura, ndaiona baba vangu vachitamba nhabvu saka nemukurumbira wawaiva nawo wakandituma kuti nditange kutambawo nhabvu.

“Saka ndakatanga kutamba nhabvu ndichiri mudiki ndikangokura ndiri munhu wenhabvu kusvika nanhasi chaiye,” anodaro Kode.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>