Muimbi Diva Mafunga ashaya

04 Jul, 2023 - 16:07 0 Views
Muimbi Diva Mafunga ashaya Diva Mafunga

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero ane mukurumbira – Diva Mafunga – ashaya.

Mafunga afira mutsaona nhasi mangwanani achibva kuBulawayo achienda kuHarare.

Sahwira wake, Kezious Mudedza, azivisa nezverufu rwake.

“Mukoma Mafunga vaita tsaona nhasi mangwanani vachibva kuBulawayo. Tsaona iyi vaitira pakati peKwekwe neGweru, saka izvozvi tiri kuGweru uko tiri kufambisa magwaro ekuti mutumbi wavo uunzwe kuHarare.

“Vachange vachichemerwa kumba kwavo kuChitungwiza,” anodaro Mudedza.

Mafunga anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinosanganisira Kubatwa KwaMwari, Endai Naizvozvo naMukadzi Anoyemurika.

Zvakawanda zviri kutevera.

Share This:

Sponsored Links