Mukadzi aroverwa nhamba dzenhare dzakanzi ‘Toilet’

05 Nov, 2021 - 19:11 0 Views
Mukadzi aroverwa nhamba dzenhare dzakanzi ‘Toilet’ Dare

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MURUME wechikuru anogara kwaJacha, kuEpworth asungwa nemapurisa eko nemhosva yekuzvambaradza mudzimai wake apo asangana nenhamba dzakanzi ‘Toilet’ munharembozha yemukadzi uyu.
Taurai Sithole (79) anonzi akaranga mudzimai wake, Catherine Mutimbanyoka (42), nezvibhakera nembama nemusi wa21 Gumiguru mushure mekusangana nenhare dzakanzi Toilet (chimbuzi) munharembozha yemudzimai wake.
Mushure mekuzvamburwa uku, mukadzi uyu haana kuenda kwachiremba kuti anoonekwa makuvariro aakaita.
Sithole akamiswa mudare uye haana kuda kupedzera dare nguva sezvo akabvuma mhosva yake pasina kukakama.
Mutongi Evenly Mashavakure vedare reHarare Magistrates’ Court vakamupa chirango chekubvisa faindi ye$6 000 uye kukundikana kwake kubhadhara mari iyi achagara mujeri kwemazuva 20.

Share This:

Sponsored Links