Mukadzi osimudzwa nehumonya

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Mukadzi osimudzwa nehumonya Regina Jonga

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yekusimudza masimbi ekuvaka muviri (body-building), Regina Jonga, anoti akakura achifarira wrestling izvo zvakazomutuma kutanga kusimudza masimbi uye ari kurarama hupenyu hunoyemurika kuburikidza nemutambo uyu.

Jonga — uyo akahwina mubairo weSports Woman of the Year svondo radarika kumabiko eAnnual National Sports Awards akaitirwa muHarare — anoti kusimba kwakaita shasha dzeWorld Wrestling Entertainment (WWE) dzinosanganisira John Cena, Batista, Randy Orton naKelly Kelly ndiko kwakamutuma kusimudzawo masimbi.

“Mukukura kwangu, ndaifarira chaizvo wrestling ndichiona mamonya aibudapo akaita saKelly Kelly, John Cena, Batista naRandy Orton ndikati ndinoda kuita muviri unenge wavo. Ndipo ndakabva ndatanga kusimudza masimbi uye handina kuzobva ndatarira shure,” anodaro.

Anoti mutambo uyu wamubatsira zvikuru muhupenyu hwake sezvo ave nechitoro chinotengesa zvekudya zvinovaka muviri.

“Ndave nechitoro icho ndinoita nabhururu wangu, tinotengesa masupplements ekuvaka muviri, ndicho chinotombondibatsira apo ndinenge ndichida mari yekuenda kunokwikwidza kunze kwenyika,” anodaro.

Jonga akatanga kusimudza simbi mugore ra2012 uye ndokukwikwidza muna2013 apo akahwinha kekutanga makwikwi eMrs Novice.

Anoti akatanga kuona kuti anogona kurarama hupenyu hwakanaka kuburikidza nekusimudza simbi.

“2013 ndipo ndakatanga kukwikwidza ndangoudzwa nezveMr and Mrs Novice ndikaenda ndokutohwina makwikwi aya. Ndakabva ndaona kuti hupenyu hwangu hunogona kushanduka ndokutoramba ndichitosimudza masimbi uye ndichikwikwidza kumakwikwi akasiyana,” anodaro.

Gore radarika, rakaona shasha iyi ichisimudza mureza wenyika kunze apo akahwinha menduru yegoridhe kuChina.

Izvi zvakaita kuti apihwe rezinesi rekukwikwidza kune mamwe makwikwi ekunze kwenyika uye akazohwinha menduru yebhuronzi kuChina zvakare.

Chero zvazvo vamwe vanhu vachitaura kuti mudzimai anosimudza simbi anotyisa sezvo achigona kugara achirova murume, Jonga anoti mutambo uyu unokurudzira kuzvibata.

“Ini handizive kurwa nevanhu, mumitambo yedu iyi tinodzidziswa kuzvibata uye ini ndiri munhu akazvibata, handitogone kurwa nevanhu.

Kurwa hakuna zvakunobatsira muhupenyu hwemunhu asi kuti unongoita mhandu dzakawanda chete.

“Mutambo uyu unotobatsira pahupenyu hwemunhu, ini handichazive chinonzi flue muhupenyu hwangu uye handizive kuti ndakapedzisira kuenda kuchipatara rinhi ndarwara,” anodaro Jonga.

Gore rino, anodaro Jonga, ari kutarisira kukwikwidza kunyika dzinosanganisira Thailand neIndonesia.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>