mukoti wanhasi newakare

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
mukoti wanhasi newakare MUKOTI

Kwayedza

— ‘Basa mberi, mari mushure’ l‘Zvaityisa kunzi murwere afa’ l ‘Zvasiyana nezvatave kuona’
Muchaneta Chimuka —
CHEMBERE yekuKambuzuma, muHarare – iyo yakashanda kwemakore anodarika makumi maviri samukoti – inoti varapi vemazuva ano vasiyana zvikuru nevakare sezvo vakudhara vaive neshungu pamwe nechido nebasa ravo uye vaisatungamidza mari mberi.

Mbuya Serina Maurukira (77) vanoti mumakore avakashanda, zvaiera kunzwa kuti vanamukoti vanoramwa basa nekuda kwezvikonzero zvakaita sekuda kuwedzerwa mari yavanotambira.

“Ndakaberekerwa muchipatara cheMutare General Hospital asi ndiri chizvarwa chekuMozambique. Ndakazoroorwa kuChiweshe nemurume wangu uyo ave mushakabvu, Harrison Maurukira (78),” vanodaro.

Vanoti vakatanga kushanda basa remumba mugore ra1952 vaine makore 17 okuberekwa apo vaipota vachiwedzera fundo yavo panguva imwe cheteyo.

“Panguva iyi, dzidzo yaibvira paSub A kusvika kuStandard 6, inova yandakasvika muna 1956.”

Mbuya Maurukira vanoenderera mberi: “Mugore ra1957, ndakaenda kuMorganster Memorial Hospital, kuMasvingo, uko ndakanoita zvidzidzo zvangu zvekurapa kwemakore matatu, kureva kuti kubvira 1957-59.”

Vanoti muna 1960, vakatanga kushanda pachipatara cheHarare Central Hospital vari general nurse.

“Kureva kuti ndaishanda mumawadhi ose aisanganisira kunovhiiwa varwere nekunorapwa vanodzokera kudzimba (out-patient). Asi hawaipihwa basa kusvika mwedzi mitatu yadarika. Mushure meizvi, murapi aizoshanda kwemakore matatu asina kusainiswa magwaro ekupinda basa nekuti vaida kutanga vaona kuti uri murapi ane chido chekubatsira varwere here asi peyi yako ichiuya yakakwana.”

Mbuya Maurukira – avo muhurukuro ino vaitaura vachimbokanda mamwe mashoko echiRungu uye anoshandiswa navanachiremba navanamukoti – vanoti panguva iyi, kwakange kusina vashandi vanorapa vairamwa mabasa sezvave kuitwa mazuva ano nekuti nhunha dzavo dzaigadziriswa vachishanda.

“Munguva iyi, ndinovimba kuti takange tiri varapi 583 paHarare Central Hospital. Dambudziko raivepo bedzi nderekuti pakange pasati pave nechikamu cherabhoritari chekuitira ongororo. Saka zvinhu zvose taiendesa kune yamava kuti Parirenyatwa Group of Hospital kuti zvinovhenekwa, ndiko kwaive nemuzinda wacho.

“Asi ndinofara kuti chipatara cheHarare Central Hospital nhasi uno chave neshanduko huru yekuvawo nerabhoritari uye zvivakwa zvawanda zvinova zvave kuita kuti varwere vakawanda vange vachibatsirwapo,” vanodaro.

Zvisinei, Mbuya Maurukira vanoti vanamukoti vekare vachiri kuramba vachipembedzwa zvikuru kana zvichienzaniswa nevemazuva ano.

“Pandinofamba ndinombonzwa vamwe vanhu vachiti muzvipatara zvemazuva ano varwere havasi kubatwa zvakanaka, zvinondirwadza zvikuru. Unotonzwa vanhu vachiti varapi vekare ndivo vaive kwavo izvo zvinondipa mubvunzo wekuti sei pave neshanduko yakadai?” vanodaro.

Vanoti mazuva ano kune vamwe vari kudzidzira kuve vakoti nekuda kwekuti vanenge vashaya mamwe mabasa ekuita.

“Ndinoona kuti mazuva ano vanhu vazhinji vari kupinda mubasa rekurapa nekuda mari bedzi kana kuti ndiro basa ravanenge vaona kuti riri nyore kupinda, asi vasina chido nebasa racho. Kare taicherechedzwa zvikuru kuti vaone kuti uri munhu akaita sei kuti unge uchiva murapi.

“Vaitarisa rudo, tsitsi neshungu pabasa uye zvaitotyisa kuti unzwe kuti pane munhu afa pachipatara nekuti paitonyorwa maripoti akakura kuti paonekwe firo yacho kuti yakamira sei nezvikonzero zvacho.”

Mbuya Maurukira vanoti sevarapi, vaitoedza nepose pavanogona kuti murwere apone.

“Ndinorangarira rimwe zuva ndaenda kuGomo (Harare Central Hospital) kunorapwa ndikaona mumwe mukoti achibaya-baya nharembozha yake apo ari kutora tembiricha neBP yemurwere zvekuti akasvika pakunyora zvisiri izvo mubhuku.

“Ndakamubvunza kuti sei aita izvi mushure mezvo ndokuzomuudza kuti ndaimbova mukoti uye ndakange ndaona zvose zvaakaita zvekunyorera murwere zvisiri izvo nekuti ainge achiita zvinhu zviviri panguva imwe chete – kubaya foni nekurapa,” vanodaro.

Mbuya Maurukira vane vana vatanhatu – vasikana vashanu nemukomana mumwe chete.

“Pavana vangu, pane musikana mumwe chete ari kutevedza matsimba angu anonzi Gloria Maurukira (41) uyo akadzidzira zvekurapa paHarare Central Hospital mushure ndokuzonoshanda kuchimwe chipatara kuUnited Kingdom.”

Vanokurudzira varapi vari muzvipatara nemakiriki kuti vave nemwoyo unoda basa.

Vanotiwo Hurumende nemamwe masangano ngavatsigire zvakasimba nyaya dzeutano nekune rimwe divi vanamukoti vofarirawo basa ravo.

“Muno munyika mune nyanzvi chaidzo dzinogona basa kana kuita maoparesheni makuru ayo ari kuitwa kunze kwenyika sekuIndia. Asi nekuda kwekuti hatina zvekushandisa zvakakwana, tinoona vanhu vemuno vachiendesa zviuru nezviuru zvemadhora kuti vanorapwako,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>