Uncategorized

Mukuwasha akadzika ambuya demo pachidya

19 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Mukuwasha akadzika ambuya demo pachidya

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuUmguza, kudunhu reMatabeleland North anonzi akatema ambuya vake nedemo pachidya uye ndokuzojajadawo mudzimai nemwana mushure mekunge anetsana nemukadzi wake.

Apo Beatrice Ncube wekuHeany Junction akange ave kurara nguva dza9 manheru svondo rapera, anonzi akashamisika kuona murume wake uyo ange asiri kufambidzana naye – Mpilo Moyo (30) – akahwanda pasi pemubhedha kumba kwevabereki vake.
Mumwe wemumhuri yaNcube anoti, “

Akamubvunza kuti sei aive akahwanda pasi pemubhedha iye ndokupindura kuti aida kugadzirisa nyaya dzavo vari vaviri.

“Ncube akamhanya kunoudza amai vake kuti Moyo aive muimba yake yekurara. Akabva adzoka muimba iyi,” anodaro.
Ncube anonzi paakadzoka, akasvikoona Moyo achipupa nehasha ndokumupomera mhosva yekumuramba kuti agodanana nemukorokoza.

Hasha dzinonzi dzakabata murume uyu akabva aburitsa kademo kadiki kaive muhomwe make ndokutema nako mudzimai wake pahuma.

Amai vaNcube pavakanzwa mhere, vakabva vamhanya kunoona kuti chii chaitora nzvimbo.
Pavakasvika mumba memwanasikana wavo, vakabva vatemwawo pachidya nedemo iri naNcube.
Murume uyu anonzi akabva amhanya kuenda paive nemwana wake ane mwedzi makumi maviri yekuberekwa achibva amutema zvakare nedemo iri pahuma.

Ncube anonzi akavhundutsira achiti aida kuuraya munhu wose aive mumba umu ndokutiza achienda kusina anoziva uye mapurisa ari kumutsvaga nemeso matsvuku.

Vakakuvadzwa ava vose vakazomhanyiswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals, kuBulawayo kunorapwa.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vanotsinhira nyaya iyi ndokukurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vatadza kunzwisisana, mungave mudzimba kana munharaunda, vatsvage vayananisi semafundisi, mapurisa kana vamwe vechikuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>