Mukuwasha atora mukadzi watsano

16 Aug, 2022 - 15:08 0 Views
Mukuwasha atora mukadzi watsano Edward Nganga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inoratidza kurasika kwetsika dzechivanhu, mubhuku raMunongoverwa riri kwaMambo Seke mune mukuwasha ari kunzi ari kudanana naambuya vake – mudzimai wehanzvadzi yemukadzi wake – zvekutosvika pakutizisana mukumbo.

Vaviri ava vave kutogara vose semurume nemudzimai.
Mashura aya anonzi akaitwa nevaisimbove vanyarikani – Edward Nganga (43) uyo ava kupisa rudo naJane Rupiya (45).

Edward Nganga aigara nemudzimai wake chaiye Shupi Nyadaufe (52) uyewo hanzvadzi yaShupi – Moses James Nyadaufe (59) – ndiye murume waRupiya uyo zita remadunhurirwa anonzi Yola.
Mhuri dzose idzi dzinogara mubhuku raMunongoverwa.

Nyaya yemakunakuna iyi yakatosvitswa kudare raSabhuku Munongoverwa iro rikatura mutongo wekuti vose vanofanirwa kutama zvavo mumusha uyu vanogara kumwe nekuda kwechipini chavari kuita ichi.
Sabhuku Munongeverwa, VaGahadzikwa Musonza (87), vanotsinhira nyaya yekudanana kwemukuwasha naambuya vake iyi vachiti vakaitonga vakawana humbowo huzere hwekuti vari kudanana zvekudanana zviya, ndokuvadzinga mumusha wavo.

Moses Nyadaufe

“Nyaya iyi yakasvika kudare rangu mugore ra2020 kuchinzi mukuwasha naambuya vari kudanana. Ndakavatonga ndikavabata nemhosva uye ndikavadzinga mumusha vose sezvo vakanga vava kugara pamba pevabereki vemukuwasha uyu, Edward Nganga.

“Vaviri ava vanonzi kubva pandakavadzinga, vaigara kuGweru vakazodzoka mwedzi wakadarika ndokutanga kugara pamusha apa vachityora mutongo watakavapa. Nekudaro madzimai emuno vakazotanga kunoratidzira svondo rakapera ndokunokomba imba yekubikira yairara vaviri ava inova yaamai vaEdward ndokupihwa 24 hours dzekuti vatame.

“Ambuya ava vakazofuma vachiperekedzwa kwatisingazive kuti vakanosiiwa kupi nemukuwasha uyu,” vanodaro Sabhuku Munongoverwa.
Vanoti nyaya yakadai ndeyekutanga mumusha mavo.

“Edward Nganga ndiye aripo, hatizive kuti ambuya ava akavasiya kupi. Izvozvi ndiri kuenda kwaMambo Seke kunosvitsa nyaya yemakunakuna iyi kuti mukuwasha uyu naambuya vake vanotongwa kudare guru iri nekuti vakasvibisa dunhu rose raSeke.

Shupi Nyadaufe

“Izvi zvinopa chimiro chakaipa munyika nekusaremekedzana,” vanodaro sabhuku ava.
Vanoti kudzoka kwakaita vaviri ava, vakataura kuti vainge vavinga mari yavo yechikwereti chezvidhinha sezvo Edward achiita basa rekukanya zvidhinha.
“Ndichashevedza vanhu vemumusha mangu nekuda kwenyaya iyi tokomerana kuti tisararame semhuka dzisina pfungwa,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naRupiya pamwe chete naEdward kuti vapewo mativi avo panyaya iyi sezvo vose vasiri kuzivikanwa kwavari.
Asi Mai Shupi Nyadaufe vanova mudzimai waEdward vanoti vakazoziva nyaya yekudanana kwemurume wavo nemuroora wavo mushure mekunge vaudzwa nevanhu vaiona zvaiitika.

“Ndazvinzwa kudaro, ndakabvunza Edward kuti sei ari kudanana nemuroora wangu mudzimai wehanzvadzi yangu, iye akanditi zvaisava nemhosva achiti hanzvadzi yangu Moses Nyadaufe akanga asina kuroora mukadzi uyu.

“Ipapo akatanga kugara achindirova, pane rimwe zuva raakandirova tava kuda kugeza muchinjausi ndisina kupfeka akanditsika-tsika nebhutsu. Nyaya iyi inondirwadza kuti ndinotorerwa murume nemuroora, vaviri ava mukuwasha naambuya,” vanodaro Mai Nyadaufe.
Vanoti vakaroorana naEdward mugore ra2008.

Sabhuku Munongoverwa

“Vaviri ava nyaya yavo yabuda pachena, Edward akaenda kunogara kumba kwevabereki vake muroora wangu achibva atizira ikoko achisiya mhuri yake chinhambwe chemamita asingasvike zana. Nyaya iyi inondirwadza,” vanodaro Mai Nyadaufe.

Vanoti nyaya iyi yakatanga kubuda pachena nekuda kwemashoko ekudanana aitumirana panhare ambuya nemukuwasha uyu.

“Muroora uyu ndaiwirirana naye zvikuru, ndaitomutora seshamwari yangu yepamwoyo nekuti ndaimutaurira zvose,” vanodaro Mai Nyadaufe.

Moses James Nyadaufe, uyo akatorerwa mukadzi nemukuwasha, anoti akazotaurirwa nyaya yekudanana kwemudzimai wake naEdward vanhu vakawanda mumusha uyu vave kutozviziva.
“Ndine vana 4 nemudzimai uyu, akazotiza nemukuwasha. Ini handisisina mukadzi, hanzvadzi yangu haasisinawo murume nekuda kwechipfambi chinosemesa ichi.

“Nyaya yekudanana kwavo ndakazoinzwa nehanzvadzi yangu, zvakatanga apo ndaiva kubasa sezvo ndiri guard saka nguva zhinji ndinenge ndisipo,” vanodaro VaMoses Nyadaufe.

“Fungai nemukadzi uyu tine vana vakura, mukomana mukuru akaroora zvekuti tava nemuroora uye musikana mumwe akaroorwa tinotova nemukuwasha. Ndinonzwa kunyara nenyaya iyi, ndinoshaya kuti vanatezvara vangu nanaambuya vekwaTanda, kwaRusape kumusha kwake ndinovataurira ndichiti kudii,” vanodaro VaMoses Nyadaufe.
Mai Deliwe Musademba (20) vanove mukadzin’ina waRupiya vanoti kudanana kwaamaiguru vavo nemukuwasha vaizviona kusvikira zvakazobuda pachena.

“Sezvo babamukuru vaigara vasipo vari kubasa, amaiguru vaitorana nemukuwasha uyu vachimupinza mumba husiku, zvinonyadzisa,” vanodaro Mai Musademba.

Kuchitiwo VaBeaven Nyadaufe (52), avo vanova munin’ina waVaMoses, vanoti nyaya yekudanana kwemukuwasha naambuya iyi inofanirwa kunge yakatangira kudoro sezvo vaviri ava vachiraradza.

“Mukuwasha uyu vose naamaiguru vedu vakatishora zvakanyanya. Chikwadi kutorwa nemukuwasha here?
“Madzimai emuno vachitungamirirwa naClaris Mahachi munyori wedare rasabhuku vakazoenda kunoratidzira kuti ambuya ava nemurume wavo vatame muno. Amaiguru vakasiya vana vedu, hamheno kuti ndevedu here kana kuti ndevemukuwasha,” vanodaro VaBeaven Nyadaufe.

Vanoti mukuwasha uyu naambuya vake vakabvira kare vachidanana uye vanonzi vakatombobatikidzwa vachishinha vose kuhovhoni yezvidhinha iri munzvimbo iyi.

“Mukuwasha uyu anofanirwa kutiripa, akafumura musha wedu. Tinoda kuti nyaya iyi iende kwaMambo Seke sisi vangu vakarwadziwa nezvakaitwa nevaviri ava,” vanodaro VaBeaven Nyadaufe.
VaPetros Nganga (47) mukoma waEdward vanoti vakatsiura munin’ina wavo nekuda kwenyaya yekudanana naambuya asi akaramba kutambira yambiro yavo.

“Nyaya iyi ndainzwa yekudanana naambuya, Edward ndakamutsiura akanditi aisada zvekuudzirwa zvekuita achiti akanga abva zera. Tinonyara, amai vedu chaivo pavakanzwa nyaya iyi vakati havachadzoka kumba sezvo zvakaitika vari kuMarondera,” vanodaro VaPetros Nganga.

Mashoko avo anotsinhirwa nemumwe munin’ina wavo, VaPatrick Nganga (45), vachiti vari kushaya pekupinda nenyadzi.
“Zvatibvisa chimiro semhuri yekwaNganga, chokwadi kupinda mugumbeze naambuya here? Ivo ambuya vacho havanyarewo futi,” vanodaro VaPatrick Nganga.

VaJeremiah Chinhende (43) avo vane zita remadunhurirwa rekuti Boss Jedza uye vari sahwira waEdward, vanoti zvakaitwa nemumwe wavo zvinonyadzisa zvakanyanya.

“Vaviri ava pavakadzingwa nasabhuku, Edward akazoridza nhare vava kuGweru ini ndakatozoziva nyaya yekuti ari kudanana naambuya. Edward anokanya zvidhinha nekuita mamwe mabasa, anowana mari zhinji saka dzimwe nguva ambuya vakatorwa mwoyo nemachengeterwo aiitwa tete vavo,” vanodaro Boss Jedza.

Kuchitiwo Mai Edith Marimo (44), avo vanova maiguru vaEdward, vanoti dai vaikwanisa zvavo kuny’ura pasi vangadai vakanyangarika nekunyara nekuda kwenyaya iyi.

“Rudo rwevaviri ava rwakatanga mugore ra2020 muCovid vakatodzingwa muno ndokuzodzoka mwedzi wadarika. Nyaya iyi yafumura vanhukadzi vemumusha muno,” vanodaro Mai Marimo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>