Munetsi ari kudhura kudarika vamwe vese

12 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
Munetsi ari kudhura kudarika vamwe vese MARSHALL Munetsi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weStade de Reims nemaWarriors — Marshall Munetsi — anonzi ndiye ari kudhura kudarika vamwe vatambi vese vanobva muZimbabwe.

Tsvakurudzo yakaitwa newebsite yeTransfermarkt yakaona kuti Munetsi ndiye mutambi anogona kutengwa nemari yakawanda iyo inosvika €12 miriyoni kana kuti US$13 130 892.

Transfermarkt, iyo inowanikwa padandemutande, inotungamirirwa nesangano reAxel Springer SE rekuGermany.

Inozivikanwa nekuongorora mitambo yenhabvu pamwe chete nevatambi izvo zvinoita kuti ipe maonero ayo pamusoro pemari inogona kutengwa nayo vatambi vakasiyana.

Muongororo yayakaita ichitarisa vatambi vanobva muZimbabwe, Transfermarkt yakaona kuti Munetsi ndiye anodhura kudarika vamwe kana ichitarisa matambiro aari kuita kuchikwata cheStade deReims.

KuReims kana Munetsi asina kukuvara ndiye mumwe wevatambi vekutanga kusarudzwa kupinda muchikwata chaWill Still.

Izvi zvamuona achitamba mitambo 12, achinwisa kaviri kubva pamitambo 17 yatambwa nechikwata chake.

Jordan Zemura

Munetsi anoteverwa naJordan Zemura uyo mwaka uno akabva kuAFC Bournemouth ndokuenda kuUdinese Calcio yekuItaly izvo zvakaona achiita mutambi wekutanga wemuZimbabwe kutambira nhabvu yake kuItaly.

Zemura anonzi pari zvino anokosha mari inosvika €6 miriyoni.

Mwaka uno, Zemura atamba mitambo 14 yeUdinese yemuSerie A kubva pa17 yatambwa nechikwata chake.

Marvelous Nakamba

Mutambi wechitatu anokosha mari zhinji kubva muno ndiMarvelous Nakamba uyo pari zvino anonzi anokosha €5 miriyoni.

Asi mari yaanokosha yakadzikira kubva pa €12 miriyoni iyo yaakatengwa nayo neAston Villa mugore ra2019 achibva kuClub Brugge yekuBelgium.

Chakaita kuti mari yaNakamba idzikire kusawana mikana yakawanda yekutamba kuVilla izvo zvakazomuona achibva kuchikwata ichi achienda kuLuton Town.

Nakamba akaenda kuchikwata ichi kekutanga nechikwereti mwaka wadarika apo chaive muChampionship ndokuzoenda zvachose mwaka uno asayiniswa kondirakiti yemakore matatu.

Tino Kadewere

Chikwata chinoda kutenga Tino Kadewere izvezvi kubva kuOlympique Lyon zvachose chinomubhadharira €2.5 miriyoni.

Mutambi uyu paakatanga kutengwa neLyon aipisa zvikuru asi matambiro ake akadzikira makore adarika izvo zvakamuona achitumirwa kuzvikwata zviviri nechikwereti neLyon, kuRCD Mallorca neNantes uko akaenda mwedzi uno.

Lyon yakabhadhara €12 miriyoni kuti itenge Kadewere asi iye zvino haichakwanise kuwana mari iyi kana ikada kumutengesa nekuda kwekudzikira kwakaita matambiro ake.

Share This:

Sponsored Links