Munetsi obatsira vanoshaya

22 Sep, 2020 - 16:09 0 Views
Munetsi obatsira vanoshaya Marshall Nyasha Munetsi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors nechikwata cheStade de Reims chekuFrance, Marshall Nyasha Munetsi, ari kubatsira vagari vemumusha weMabvuku, muHarare, vanotambura nekuvatengera chikafu nezvimwe panguva ino yekurwisa Covid-19.

Mhuri dzinosvika 70 dziri kubatsirwa nehupfu, mafuta ekubikisa, bhinzi, sipo nezvimwe pasi pechirongwa ichi.

Munetsi, uyo akakurira muMabvuku, ari kuita izvi akabatana nechechi yeGlory to Glory International Ministries iyo yaanopinda kana achinge ari muZimbabwe.

Vachitaura vakamirira Glory to Glory International Ministries, Apostle Elliot Bhakuche, vanoti zvinofadza kuti panguva ino apo zvinhu zvakaoma nekuda kweCovid-19, mwana wemuMabvuku ari kurangarira kwaanobva nekubatsira vanotambura.

Apostle Elliot Bhakuche (kurudyi) vaina Tinotenda Bvunzi (pakati) naMai Patience Bhakuche vachitambidza Mbuya Magaga chikafu chavo kuMabvuku, Harare, nguva pfupi yadarika.

“Zvinofadza kuona vechidiki vachibatsira hama neshamwari panguva iyo vamwe vari kuchema nekuti upenyu hwevakawanda hwakanganiswa nechirwere cheCovid-19.

“Marshall aratidza kuti mwana akarerwa zvakanaka, anoziva Mwari uye ane mwoyo wekubatsira. Izvozvo tinozvikudza zvakanyanya. Tinokurudzira vamwe kuti ngavatevedzere basa rakanakisa iri,” vanodaro Apostle Bhakuche.

Aka hakasi kekutanga Munetsi achibatsira vanoshaya sezvo achibhadharira mari dzechikoro vana vemuMabvuku vanodarika 60.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>