Kwayedza
Abel Ndooka
MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors nechikwata cheStade de Reims chekuFrance, Marshall Nyasha Munetsi, ari kubatsira vagari vemumusha weMabvuku, muHarare, vanotambura nekuvatengera chikafu nezvimwe panguva ino yekurwisa Covid-19.
Mhuri dzinosvika 70 dziri kubatsirwa nehupfu, mafuta ekubikisa, bhinzi, sipo nezvimwe pasi pechirongwa ichi.
Munetsi, uyo akakurira muMabvuku, ari kuita izvi akabatana nechechi yeGlory to Glory International Ministries iyo yaanopinda kana achinge ari muZimbabwe.
Vachitaura vakamirira Glory to Glory International Ministries, Apostle Elliot Bhakuche, vanoti zvinofadza kuti panguva ino apo zvinhu zvakaoma nekuda kweCovid-19, mwana wemuMabvuku ari kurangarira kwaanobva nekubatsira vanotambura.
“Zvinofadza kuona vechidiki vachibatsira hama neshamwari panguva iyo vamwe vari kuchema nekuti upenyu hwevakawanda hwakanganiswa nechirwere cheCovid-19.
“Marshall aratidza kuti mwana akarerwa zvakanaka, anoziva Mwari uye ane mwoyo wekubatsira. Izvozvo tinozvikudza zvakanyanya. Tinokurudzira vamwe kuti ngavatevedzere basa rakanakisa iri,” vanodaro Apostle Bhakuche.
Aka hakasi kekutanga Munetsi achibatsira vanoshaya sezvo achibhadharira mari dzechikoro vana vemuMabvuku vanodarika 60.