Uncategorized

Munhu haabarwe kana kufa na12

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Munhu haabarwe kana kufa na12

Kwayedza

  • ‘Inguva inofamba ngirozi dzaSatani’

  • ‘Mwana anotoita mhengeramumba’

  • Chitendero nechivanhu zvowirirana

PATSIKA dzechivanhu, zvinonzi hakuna mufi anofanirwa kuvigwa kana kuti chitunha chake chiburitswe mumba nenguva dzepakati pezuva, nguva dzekubva na12 kusvika kuma2 dzemasikati, sezvo zvichinzi zvinoyera.

Tsika iyi inokosheswa zvikuru nevanhu vechikuru, kunyanya vatungamiriri vematunhu, pakuvigwa kwechitunha.

Kune dzimwe nzvimbo vanhu vanonzi vanokwanisa kuviga chitunha mangwanani kusvika na11 asi dzikange dzave kuenda kuma12 dzemasikati, hazvitenderwe dakara nguva dzava kuma2.

Vamwewo vanoti vana ndivo vanovigwa kuseni asi vanhu vakuru vachivigwa kumasikati dakara zuva ronovira.

Chipini kunzvimbo zhinji dzeZimbabwe kuviga chitunha husiku.

Asi nguva dzepakati pezuva dzinokosheswa zvikuru – chitunha hachivigwe.

Kwayedza yakazvitsvaga ikanzwa kuti tsika iyi inoitirwei.

VaMadzana Knight (65) avo vanobva kwaNyamande, kwaGutu, kuMasvingo, vakataura nezvenguva dzinovigwa vashakabvu idzi.

“Zvinoyera kwedu kuti vafi vavigwe panguva dzinobva 12 kusvika 1 masikati. Handizive zvangu kuti chii chinoyera pazviri sezvo ndakangokura zvichiitwa,” vanodaro VaMadzana.

VaTendai Chingondi (36) wekwaMarufu, kwaChivero, kuMhondoro, vanoti igaroziva kuti vafi vanovigwa kubva na2 masikati zvichienda mberi.

“Vanababa vedu vakafa tichingoona zvichiitwa, kuti munhu haavigwe kubva na12 masikati kusvika na2.

‘‘Nguva idzi dzikangodarika chitunha chochivigwa.

“Kuti zvinoyerei handizive, dzimwe nguva vanoitira kuti nguva yekudya inenge yave kukwana saka vanenge vachida kuti vanhu vatange vadya,” vanodaro VaChingondi.

Mambo Chivero, VaBrown Shopo, vakataurawo nezvekutevedzwa kwetsika iyi mudunhu ravo.

Mambo ava vakati: “Isu semadzimambo tinoshanda nemasvikiro emumatunhu edu saka tsika iyi takaiwana iriko uye tinoitevedza zvakasimba.”

Vanoti vanotyora tsika iyi vanoripiswa mbudzi kana mari inoenderana nemhosva yacho.

Sekuru Emanuel Govere (66), vekwaSadza, kuChivhu vakatsinhirawo vachiti:

“Ini ndiri munamati akakurira muchechi asi tsika iyi iriko kunyange muBhaibheri. Zvitunha zvinogona kuvigwa mangwanani kusvika kuma11 makuseni asi 12 dzemasikati dzikangokwana hakuna achavigwa.

“Isu kuchechi tinoti ndiyo nguva inofamba ngirozi dzaSatani kusvikawo kuma2. Mukaona kubva nguva dza12 kusvika kuma2, ndipo patinonamata zvikuru. Tinenge tichida kudzinga mabasa akaipa aSatani saka munhu tikamuviga nguva iyi tinenge tichitomuendesa kugehena.

“Hakusi kuvigwa chete kunocherechedzwa nenguva idzi, kufa chaiko hakuna munhu anofa na12 masikati. Mukanzwa vanonzi vafa

nguva idzi inhema. Kana madzimai akazvitakura hakuna anozvara nguva idzi,

kana zvikaitika kusununguka uku kunotoita kwekuti mudzimai anovhiiwa. Inguva yakaipa zvikuru iyoyo inocherechedzwa kuchivanhu nekumakereke.

‘‘Ini ndinopinda chechi yeZvakazarurwa.”

Madzibaba Makomborero vekuWaterfalls, muHarare, vachipinda chechi yeJohane Masowe yeNyenyedzi Nomwe vanoti vanoviga vafi kubva na9 kusvika na11 dzemangwanani.

“Dzikakwana 2 masikati tinenge tave kuviga zvakare asi husiku hativige. Kubva na12 masikati kusvika na2 inguva dzinoyera kumasowe. Nguva idzodzi zvakare hakuna anofa kunze kwevanozvisungirira kana vetsaona.

“Semunguva yehondo zvinonzi hakuna murwi wehondo airidza pfuti nguva idzi, yaitova mhiko chaiyo,” vanodaro.

Vanoti iyi itsika yemusiidzanwa iyo vakawana iripo.

“Iyi inguva yengoni netsitsi yaEmanuwere Mambo Jesu panofamba ngirozi dzatenzi Mwari.

‘‘Mukaona kuchechi yedu hakuna muporofita anobatsira kubva na12 kusvika na2. Inguva inoyera uye hakuna mudzimai anosununguka nguva idzi. Mwana akazvarwa nguva idzi anoita mhengeramumba, anotofanirwa kudzikamiswa,” vanodaro.

Vamwewo vekuchechi iyi vakatsinhira nyaya iyi ndiMadzibaba Wordby naMadzibaba Makaby.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano ren’anga, reZinatha, naVaFriday Chisanyu veZimbabwe National Practitioners Association, vose vakati tsika iyi inotevedzwa Zimbabwe yose sezvo zvakagara zviriko.

Share This:

Sponsored Links