Uncategorized

MUPOROFITA MUDZIMU TUGU. . . anakirwa nembira nehosho ‘. . . asi magemenzi handirase’

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
MUPOROFITA MUDZIMU TUGU. . . anakirwa nembira nehosho ‘. . . asi magemenzi handirase’

Kwayedza

MUDZIMU tugu pamuporofita mbira nehosha zvamunakira!

Hapana mamwe matsananguriro anodarika aya sezvo izvi zviri izvo chaizvo zvakaitika kumuporofita wemandiriri wechechi yeJohane Masowe yeChishanu Nyenyedzi Nomwe uyo akabudirwa nemudzimu apo aive pan’anga yekuUzumba uko ainge aenda kunotsvaga rubatsiro.

Nyaya iyi yakaitika pamusha pachiremba wechivanhu, VaBonface Katerere, avo vari kubatsira Madzibaba Tatenda Zuvarimwe (28) kugadzirisa mudzimu wave kubuda paari.

Madzibaba Tatenda muporofita anozivikanwa zvikuru, kunyanya kunzvimbo dzakakomberedza Marondera nekwaChigwedere, kuHwedza iko vaine sowe ravo.

Asi kumusha murume uyu anobva kuChimanimani, uye mudzimu wave kubuda pavari unonzi ndewa tateguru wavo.

Madzibaba kana kuti “Sekuru” Tatenda anobva mubhuku raMukotsori, kwaMambo Mutambara uye muzukuru wemushakabvu Kempton Mutambara, murume uye wekunetsa nekugarisa mhuri yake iri yoga senhapwa kwemakore akawanda.

Asi muporofita uyu ave kugara kumindamirefu yekwaJB, kwaNenguwo, kuMarondera, uko anobva achinonamatira kusowe rake kuHwedza.

Madzibaba Tatenda ari kunzi akaenda kun’anga yekuUzumba iyi achida kunobatsirwa apo mudzimu waaishandisa pachiporofita chake wakanotuguka kubuda uchiti wainge wadzvinyirirwa kwenguva refu uchitadza kuita matare.

Kwayedza yakanosvika pamusha paSekuru Katerere ikawana muporofita uyu aripo, nemagemenzi ake, achitoridza mbira nehosho nevamwe vanagwenyambira.

Haana kutsenga mukanwa kuvatori venhau.

“Ichokwadi, ini ndiri muporofita anozivikanwa nyika ino yose ndichipfeka magemenzi uye ndichibatsira vanhu. Ndanzwawo mbiri yasekuru ava (Katerere), ndakauya kuno ndichida kubatsirwa nekuda kwehope dzandinorota kubva ndiri mwana mudiki. Ndinoratidzwa mishonga inorapa nemashandisirwo ayo ndiri kuhope.

“Ndakasvika pano ndikawana pachiridzwa mbira ndokupinda mudare rasekuru ava vakabva vanditi ndine mudzimu uyo wakatsipikwa. Vakaita zvavakaita mudzimu uyu uchibva wangobuda apo ndakapfeka magemenzi angu,” anodaro Madzibaba Tatenda.

Anoti akatambudzwa kubva ari mudiki nemweya yevafi kusvikira akazopinda chechi yeJohane Masowe achiti azvitize uko akabatwa nemweya ndokuita muporofita wemandiriri.

“Ndakauya nemunin’ina wangu pano kuti tizobatsirwa uyo akataura nemudzimu wakasvika pandiri unova watateguru vedu. Ndakazvitambira nekuti ndinoti mweya wechiporofita nemweya wemudzimu hazvina kusiyana, chinhu chimwe chete,” anodaro.

Anotizve sezvo baba naamai vake vakashaya, achabatsirwa nevamwe vehukama vekumusha kwavo kuti vagadzirise mudzimu uyu, uchinyatsoti “tugu” kusvike.

“Nyaya iri pano ndeyekuti zvechiporofita nekumasowe ndave kutombosiya, ndoita zvechivanhu. Nekuti ndaona kuti ndiko kune zambuko rangu. Handishore chipositori kana zvemidzimu, asi ndinoenda kwandashevedzwa nguva iyoyo,” anodaro Madzibaba Tatenda.

Apa muporofita uyu aitoridza hosho nembira akapfeka magemenzi ake izvo zvaishamisa vanhu vaiuya kuzobatsirwa pan’anga iyi.

“Magemenzi angu handipise, ndinochengeta kuitira nhoroondo yevana vangu nedzinza kuti vaone kusanduka kunoita zvinhu. Mbatya dzasekuru vave kusvika pandiri zvinonzi mudzimu uyu wakataura woga neruvara rwemachira anodiwa, mhando yenhekwe, tsvimbo yacho nezvimwe zvose,” anodaro Madzibaba Tatenda.

Pakasvikwa pamusha uyu neKwayedza, Philbert Zuvarimwe (25), anova munin’ina wemuporofita uyu, akawanikwa asipo achinzi ainge atumwa kumusha kuChimanimani kunozivisa vakuru vavo nekuda kwechiitiko ichi.

Madzibaba Tatenda akatotanga kuputa fodya yebute.

Anoenderera mberi nekurondedzera nyaya yake: “Hongu fodya yebute ndave kuputa sezvinodiwa nasekuru vave kusvika pandiri. Ndakauya pano musi weChipiri (svondo rapera) uye kusvika nhasi musi weChina pane shanduko huru yaitika muupenyu hwangu.

“Zvekusowe ndichataurira vamwe variko vatungamirire zvavo nekuti kuno masamba asiyana.

“Ini ndikabva pano ndichaenda kumusha kuChimanimani ndinotaurira vekudzinza rangu vekwaZuvarimwe nekwanasekuru vangu kwaMutambara kuti ndizvo zvavapo. Vonditungamirira kudzoka kuno, kana kuchibikwa bira nekutanga kwafambwa zvoitwa.

“Dzinza rangu ndere kwaMatsika ndichiyera Shumba Nyamuzihwa. Handirase chivanhu, ndichatevedza zvinodiwa. Baba vangu, VaJoel Zuvarimwe naamai vangu Ruth Mutambara, vose vakashaika. Amai vangu vaiva hanzvadzi chaiyo yaKempton Mutambara uko ndichasvitsawo nyaya yangu.”

Muporofita uyu ane mudzimai, Violet Mberi, nevana vaviri.

Vana gwenyambira vakasvitsa mudzimu pamuporofita uyu vachiridzira mbira vanosanganisira VaEdison Bhamu (66) naVaInnocent Vambe (42).

Vaviri ava vanoti nyaya iyi inoratidza kuti chivanhu hachifanirwe kurambwa, kunyange zvikadii.

Sekuru Katerere vanoti muporofita uyu ane mudzimu mukuru wekudzinza rake uyo waiva wakatsipikwa kwenguva yakareba.

“Mudzimu uyu unoda kugezeswa nekuitirwa bira guru apo vehukama vanenge varipo,” vakadaro. Zvakadai, Madzibaba Enock vechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe vanoti kusvikirwa kuri kuitwa Madzibaba Tatenda nemudzimu zvinoreva kuti vakurirwa nemweya yerima.

“Murume uyu akurirwa sezvinoitwa nevamwe vanhu vakawanda. Anoda kubatsirwa, kuti zvizosvika ipapo pane zvakaitika kumuporofita uyu anoda mitsanyo neminamato, anogona kudzoka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links