Uncategorized

Mupositori akafira mugomo rinoyera

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mupositori akafira mugomo rinoyera Sekuru Caleb Meruza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA wechidiki ainamata chechi yeJohane Masowe weChishanu aigara kuEpworth ari kunzi akafa rufu rwunorwadza apo akadonha pamusoro pechikomo chinonzi chinoyera ari pakati pekunamata.

Tsaona yemusi wa24 Zvita iyi inonzi yakaitika apo mupositori uyu akakoromoka kubva pamusoro pechikomo, ndokusvikorovera pasi achibva atsemuka musoro.

Joseph Chikwizo (21) uyo aibva kwaMambo Chikwizo, kwaMutoko anonzi akabva pamba mangwanani emusi uyu achinonamata apo aiti airwadziwa nemusoro.

Joseph anonzi akazokoromoka kubva pamusoro pedombo raainge akwira mushure mekunge achangopedza kunamata.

Chikomo chainamatirwa nemuchakabvu chakabatana nechimwe chikomo chakavakwa banya remabwe neimwe n’anga yeko inonzi Sekuru Caleb Meruza umo inoitira mapira ayo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinayo nyaya yemukomana akadonha mugomo achinamata kuEpworth nemusi wa24 December. Inyaya iri kuferefetwa kuti kuonekwe chaizvo zvakaitika.

“Asi pari zvino tinoti itsaona, akatsvedza mugomo ndokunorovera pasi,” vanodaro.

VaDarikeni Chikwizo (63) vanova baba vaJoseph vanoti vakazongoshevedzwa apo vaiva kupurazi kwavo kuMarondera vachiudzwa nezvekufa kwemwana wavo.

“Ndakazongofonerwa ndichitaurirwa adonha mugomo umo akange aenda kunonamata achibva angotsemuka musoro, ndokufa. Zvakandinetsa nekuti mwana uyu aimboita zvekudhakwa, ini ndokuzomutora tikamuendesa kuchipatara uko aipihwa mapiritsi uye ange atendeuka ava kunamata,” vanodaro VaChikwizo.

Vanoti hapana chakaipa icho vanofungira kunze kwekungoti itsaona yakaitika.

“Chikomo ichi chinozivikanwa zvikuru chichinamatirwa nevanhu vanobva kure uko kunozivikanwa nekunzi kuMapopoma. Hapana zvakaipa zvatinofungira munyaya iyi, itsaona bedzi. Hamheno kana paine mweya yetsvina yakafamba, zvinowanikwa,” vanodaro.

Kuchiti Brightwell Chigombe (17) anova muzukuru wemhuri yekwaChikwizo anoti nemusi uyu, vakafuma vachienda kunowacha naambuya vake, amai vemuchakabvu.

Anoti Joseph akasara pamba achinzi aizogaisira vanhu chibage sezvo mhuri iyi iine chigayo chiri pamba.

“Takadzoka kubva kunowacha tikawana Joseph achiti musoro wake waimurwadza ndokuti aida kumbononamata zvake kugomo reMapopoma. Akati aizodzoka achidya sezvo dzaiva kuma7 mangwanani,” anodaro Chigombe.

Anoti mushure mechinguvana, kwakazouya vamwe vakomana vatatu vachiti Joseph ainge adonha kubva pamusoro pegomo ndokunorovera nemusoro.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa.

Virginia Chikwizo (51), vanove amai vaJoseph, vanoti havazive chaizvo zvakaitika sezvo vakazongonzwa kuti mwana wavo akoromoka kubva pamusoro pechikomo achibva afa.

“Akabva pano achiti ainonamata sezvo musoro wake waimurwadza ini ndikatomuti ambotsvaga munhu anomuyeresa asi iye akati aida kunonamata oga. Takazongonzwa kuti adonha, afa.

“Handizive kuti Mwari ndizvo zvavakandirongera here kutora mwana wangu nenzira yakadaro,” vanodaro

Clifford Chikwizo (36), mukoma wemufi, anotiwo akazongonzwa kuti munin’ina wake adonha mugomo akafa.

Sekuru Meruza avo vane banya riri muchikomo chiri pedyo nepakafira Joseph vanoti mukomana uyu aimboenda kwavari achiti aida kubatsirwa navo mumatambudziko ake asi havana kuzokwanisa kumubatsira.

“Akauya mwana uyu achida kubatsirwa ndikamuti aifanirwa kutanga anotaurira vabereki vake kuti vamupe mvumo yekuti ini ndimushandire. Haana kuzodzoka kusvikira ndazonzwa kuti adonha mugomo akafa achinamata,” vanodaro Sekuru Meruza.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kune vakawanda vanouya vachinamatira munzvimbo iyi asi ine zvinoyera zvakawanda izvo zvisingafanirwe kusvibiswa.”

Share This:

Sponsored Links