Murairidzi mutsva wemaWarriors nhasi: ZIFA

14 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
Murairidzi mutsva wemaWarriors nhasi: ZIFA

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTUNGAMIRI wesangano reZimbabwe Football Association (ZIFA) – Felton Kamambo – anoti murairidzi mutsva wechikwata chenyika chemaWarriors ari kugadzwa nhasi kuti ambofanobata chigaro chakasiiwa naZdravko ‘Loga’ Logarusic mushure mekunge vapedza kuita hurukuro naye.

Zvichitevera kudzinga kwavakaita basa Loga nemusi weSvondo, Kamambo audza Kwayedza kuti vari mushishi kuita hurukuro nevarairidzi vachitsvaga anombofanobata basa iri kwekanguva kadiki.

“Tiri pakati pekuita hurukuro iye zvino nevarairidzi vakasiyana apo tiri kutsvaga wekufanopa basa iri. Asi nhasi tichazivisa kuti ndiani murairidzi mutsva wemaWarriors.

“Handisati ndave kukwanisa kutaura zita rake iye zvino kuti ndiyani sezvo tichiri pakati pekutaurirana, saka kana tawirirana tozozivisa nyika yose.

“Murairidzi uyu toda kuti zvizivikanwe kuti achange akafanobata chigaro ichi, apo isu tichitsvaga watichazopa basa iri kuti agotsive Loga,” anodaro Kamambo.

Loga akadzingwa basa musi weSvondo wadarika mushure mekunge atadza basa. Akarairidza maWarriors mitambo 14 ndokukundwa misere, akaita mangange mishanu ndokungohwina mumwe chete.

Share This:

Sponsored Links