Uncategorized

Muroora navamwene tiba!

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUDZIMAI wekuendeswa kudare nevaimbova vamwene vake vachiti ari kuvashungurudza anoti ivo ndivo vakamuvenga nekuti vanomupomera kuti akapfuhwira mwanakomana wavo panguva yavaigara vose semurume nemudzimai.

Rorana Muchihwa akamhan’arira Nyasha Tapfumanei kudare reHarare Civil Court achiti anomutuka nekumunyadzisa pazere vanhu.

“Ndauyawo changamire nekuti ndanetswa nemukadzi uyu, anouya kumba kwangu achindituka zvekuti ndinotoshaya kwekutizira.

“Dai zvirizvo zvoga ndaingonyarara, zvino anoti nyangwe tikasangana mumigwagwa anondinyadzisa pavanhu. Ndava kutoshaya kwekufambira uye akada kutanga kunditumira mameseji mufoni ndinotoita sendichaidzima nekuti anenge achindituka zvisina kufanira kuti ndizvitaure pakazara vanhu,” anodaro Muchihwa.

Achipawo divi rake, Tapfumanei anoti ndiye ane kodzero yekupihwa gwaro rerunyararo achipomera Muchihwa kuti anouya kumba kwake achimutuka.

“Dai zvaitobvira ndini ndaitopihwa gwaro rerunyararo nekuti ndivo vanondishungurudza.

“Vanouya kumba kwandinogara votanga kutukirira vachiti ndakapa mwana wavo mupfuhwira nekuti handisi ‘type’ yemwana wavo.

‘‘Ndanzwa nekudzingwa pose pandinenge ndave kugara nekuda kwavo,” anodaro Tapfumanei.

Anoenderera mberi achiti nyaya iyi yakatanga paakasungisa mwana waMuchihwa apo aive asina kubhadhara mari yemendenenzi.

“Vakarwadziwa nekuti ndakasungisa mwana wavo paakange asina kubhadhara mari yemendenenzi, ndipo pavakatanga kundituka nekutevera kwose kwandinenge ndave kugara vachitaura zvisina basa,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Muchihwa gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links