Uncategorized

Muroyi pu mu‘town’

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Muroyi pu mu‘town’ Murume anonzi muroyi ari musvo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekuLillifordia, pedyo neDzivaresekwa Extension, muHarare, nguva pfupi yadarika vakamuka vachiita mahwekwe nemashura emunhurume ainge akachenuka kunge akazorwa madota, uyo aingomberereka ari musvo achiti ainge adonhedzwa murusero achibhururuka nevamwe vake apo vairwira nyama yevanhu.

Murume uyu anozviti muroyi.

Vhidhiyo remurume uyu asina kupfeka — iro rine Kwayedza uye ratenderera padandemutande reWhatsApp — anoti anonzi Eritta Salani uye anobva kuChishawasha.

Anoti akadonhedzwa nevamwe vake kubva mudenga apo vairwira nyama uyezve anoti panguva yakaitika “tsekwende” iyi, iye ainyara vamwe vake.

“. . . ndadonhedzwa nevamwe vangu tichirwira nyama apo tanga tichirovana, zvakare ndanga ndichinyara vamwe vangu. Tanga tichinodya nyama yevanhu,” anodaro.

Vanhu vakatanga kuona murume uyu asina kupfeka vanonzwikwa vachidevedzana kuti vamutore mifananidzo.

Murume anonzi muroyi ari musvo apo aive akaunganirwa nevanhu

“Huya utore foto, tora tora. Asi arohwa nechando . . . unoita nezvei iwe, unogara kupi?” vanhurume avo vaienda kumabasa mangwanani emusi uyu vanobvunza murume uyu.

Salani anoratidza kuva neronda guru pachidya chekurudyi izvo zvinoratidza kunge chakadziuka apo anonzi akanorovera pasi achibva mudenga apo akakandwa pasi nevamwe vake.

Varume vakatanga kuona Salani ari musvo apo vaienda kubasa kuQuarry Stone Company iri ikoko, vanoti vakamuona achiedza kumisa motokari kuti dzimutakure asi vatyairi vakatya kumumirira.

Vanhu vakaona murume uyu vanoti aitonhorwa zvikuru apo aidedera zvakanyanya.

Vamwe varume vari muvhidhiyo iyi vanonzwikwa vachimubvunza kuti anoita zvemubobobo here apo Salani anopindura achiti kwete.

Salani anonzi akazopihwa mbatya dzekupfeka, ndokubatidzirwa moto kuti adziirwe apo akazopihwa chikafu ndokudya. Anonzi akazongosiiwa achienda apo ainge abengenuka.

Admire Muhate (34), mumwe wevanhu vakaona murume anofungidzirwa kuti muroyi uyu, anoti akasangana naye asina kupfeka kuma4 dzemangwanani.

“Ini ndinoshandira kuno semutyairi wemaCaterpillar kana kuti maFolklift nemaFront-end-Loader. Saka ndichienda kubasa kuma4 sezvo ndichimukira, ndakaona murume uyu asina kupfeka ndokutya kutaura naye ndichibva ndanyenyeredza sezvo ndaiva nebhasikoro. Ndakazoona mumwe munhu zvakare pedyo neni uyo aifambawo mumugwagwa uyu asi ainge akatakura saga.

“Pakutanga, ndakambofunga kuti munhu akapondwa asi ainge akabipitira saga uyu ndiye akazoti haana kupondwa, mupenyu uye kuti haana kupfeka achiti muroyi,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Ndakazobva ndikaenda kubasa kwangu uya aivawo nechisaga ndokudarikira nerwendo rwake murume uyu tikamusiya pamugwagwa ipapo. Vakazotevera shure vachienda kumabasa kunze kwachena vakasanganawo naye achingofamba akadaro, ari musvo.” Nyaya iyi inonzi yakazosvitswa kuna kanzura weward 25, VaErnest Ruzayi, avo vanonzi vakangopa zano rekuti murume uyu aendeswe kuchipatara kuti anobatsirwa.

“Murume uyu anonzi akazongoenda asi hatizive kuti akaenda kuchipatara here kana kuti akazongoenda kumusha kwake kuChishawasha uko aitaura kuti ndiko kwaainge ambobva,” anodaro Muhate.

Anoti agara munzvimbo iyi kubva mugore ra2000 uye aka ndekekutanga kuti zvakadai zviitike.

“Chishamiso, muno hatina kumbobvira takaona zvakadai,” anodaro.

Votaura pamusoro pemashura aya, Madzibaba Mateo Mupfumbati (36) vechechi yeFaith In God Apostolic Church vanoti huroyi kana hwave kufumuka kudai kureva kuti murume uyu anogona kunge akakanganisa mhiko dzacho.

“Pane zvinogona kunge zvakaitika pavaroyi ava. Zvichida vakadya nyama yemunhu akanga akagadzirwa, akaiswa mhiko dzekuti nyama yake haidyike. Nekudaro zvinobva zvafumuka, vakadya nyama isingadyiwe,” vanodaro.

 Tumirai zvamunofunga pamusoro penyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>