Uncategorized

Murume akatiza dumbu

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Murume akatiza dumbu Beauty Pangazi achitaridza dumbu rake rakazvimba —Mufananidzo: Tariro Kamangira

Kwayedza

MUDZIMAI wechidki wekuSouthlea Park, muHarare, anoti ave nemakore mashanu achiyaura nedumbu rake iro rakazvimba kunge ane pamuviri pave kuda kuzvarwa.

Dumbu iri rinomurwadza nekumutadzisa kuita mabasa.

Beauty Pangazi (24) wepanhamba 10693, uyo kumusha anobva kwaNyashanu, kuBuhera, anoti akatotizwa nemurume wake nekuda kwedambudziko iri.

“Dambudziko rangu ndere kuzvimba dumbu, rakangotanga muna 2011 apo ndaingonzwa kabundu mukati medumbu. Kakazoramba kachikura kusvikira razosvika pakudai.

“Ndinotsvagawo rubatsiro kuti kana zvichiita zviri mudumbu umu zvibviswe. Hamheno, zvichida ndakaroyiwa kana kuti ndezvaMwari.

‘‘Izvozvi vamwe vanonditi ndine pamuviri. Kana kwandaishanda mumba ndakatoburitswa basa nekuda kwedambudziko iri,” anodaro Pangazi.

Mukadzi uyu ane mwana mumwe chete uye anoti kuzvimba kuri kuita dumbu rake kwamushaisa rugare.

“Ndakaroorana nemurume mugore ra2011 asi akazonditiza muna 2014 apo dumbu iri rakanga rakura. Murume uyu akatiza ndokutanga bhizimisi rechitoro kuMhondoro uyo akazodzoka achitora mwana. Haazi kana kundibatsira uye pano ndinochengetwa nasekuru vangu.”

Anoti pakatanga dambudziko iri, mudumbu make maifamba chinhu zvikaita kuti aende kunoongororwa kuchipatara sezvo aifungira kuti ane pamuviri.

“Mudumbu mangu izvozvi munorwadza sekunge ndinoda kusununguka. Mwoyo nemakumbo angu zvinondirwadza uye pane chinhu chinondiruma muchipfuva,” anodaro.

Pangazi anoenderera mberi achiti akaenda kuzvipatara zvakawanda nekuda kwedambudziko iri asi hapana chakasanduka.

“Ndakatanga kuenda kuchipatara cheMurambinda (General Hospital) ndakatariswa zvakawanda ndokuzouya kuno kuHarare, kuParirenyatwa (Group of Hospitals) ndikaongororwawo. Ndakanzi ndine nyama yaikura mudumbu mangu inoda kubviswa. Kumaporofita nekudzin’anga ndakaendawo,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti vabereki vake vapenyu vose asi havakwanise kumubatsira sezvo vasinawo chekubata.

“Pane mari yakawanda iri kudiwa kuti ndivhiiwe zviri mudumbu umu saka mari yacho handina avawo sekuru vandinogara navo havanawo,” anodaro.

Pangazi anoti anotevera zvisina dambudziko asi haachakwanisa kudya zvakanaka sezvo achinzwa mabayo pose paanenge adya.

“Musana wangu wava kurwadza uyewo ndinonzi nemachiremba ropa rangu rava shoma. Handizivi kuti dambudziko rangu richapera riinhi.”

Pangazi anoti haasisina mbatya dzinomukwana sezvo ave kutofanirwa kugara akapfeka mateneti.

Sekuru vake vaanogara navo, VaEzekia Manjokoto (43), vanoti vafamba naye kwakawanda asi hapana zviri kubatsira.

“Taenda kwose kuchivanhu, kumaporofita nekuzvipatara asi hapana chabuda,” vanodaro.

Zvakadai, dambudziko rina Pangazi rakafanana neraimbove nemadzimai matatu anoti Portia Tapfumaneyi (38) wekuHighfield, Maidei Nemhara (50) wekuDomboshava naMadzimai Mensista Josphine Chavhunduka (40) vekuNorton, avo vose vakazobatsirwa nekuvhiiwa pachena kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Mukuru wechipatara cheChitungwiza, Dr Obediah Moyo, vanoti dambudziko rina Pangazi rinozivikanwa nekuti “cysts” chinova chirwere chinowanikwa kune mamwe madzimai uye chinorapika.

“Madzimai vane dambudziko rakadai ngavaende kunorapwa nemachiremba akadzidzira basa, hakusi kuroyiwa,” vanodaro.

Kuvhiiwa kwemhando iyi kunonzi kunodhura zvekusvika pakati pe$5 000 ne$8 000. Kune vanoda kubatsira Pangazi vanogona kuridza nhare dzinoti 0771 590 073 kana 0717 056 347.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>