Murume chaiye anoziva paamire

09 Aug, 2019 - 16:08 0 Views

Kwayedza

Wendy Nyakurerwa-Matinde
DUDZIRO yechirevo chinotaura nezvemurume chaiye yakabuda pamusangano wevarume uyo wakaitwa svondo radarika kuHarare International Conference Centre apo muenzi mukuru aiva mudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa.

Vanakomana vemuzvikoro pamwe chete nevarume vakabva kumapazi akasiyana eHurumende nemasangano akazvimiririra vakataura zvakawanda maringe nenyaya dzeutano hwesikarudzi idzo dzinovatambudza.

Vanhurume vakawanawo mukana wekuita hurukuro pamwe nekutsidza kuti vachasandura hunhu hwavo senzira yekuderedza nekupedza kunyuka kweutachiona hutsva hweHIV.

Kureva kuti kuvhara maburi ose angaita kuti utachiona uhwu hutekeshere.

Kuvharwa kwemaburi anounza utachiona hweHIV kwakakosha nekuti kunobatsira zvakare mukuderedza nyaya dzemhirizhonga, kuroodzwa kwepwere nechibharo pakati pezvimwe zvakaipa izvo zvinorunzirwa nevarume.

Pagungano iri, vanhurume vakavimbisa kutora matanho ekuona kuti ivo nemhuri dzavo vararama upenyu hune utano.

Varume chaivo vanoonekwa nekuti havachengeti zvirwere kudzimba asi vanokurumidza kuenda kuzvipatara kunorapwa zvisati zvakomba.

Varume chaivo havashungurudze madzimai nevana kana kushandisa chisimba chekuti ndiri murume kuti vadzikisire dzimwe nhengo dzemhuri mudzimba.

Murume chaiye haaroori pwere, chero pakaita zvinetso zvakadii.

Murume chaiye haatori zvinodhaka asi kuti anoziva zvakakosha muupenyu hwake maringe neutano nekodzero.

Murume chaiye anoziva kuchengeta mhuri uye haaite bonde rinomusesekedza kuzvirwere zvepabonde nekuti vavariro yake ndeyekuti ararame upenyu hunoendeka kuti akwanise kuriritira mhuri yake.

Vachitaura pamusangano uyu, Amai Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti vanhurume vawanikwe vachipinzwa muzvirongwa zviri maringe nenyaya dzeutano hwesikarudzi.

“Tiri nyika imwe chete yakaumbwa nevanhurume nevanhukadzi, saka takaona kuti kune vamwe vanhurume vane dambudziko rekubuda pachena maringe neutano hwavo,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhurume vashoma vanoshandisa mizinda yeutano iripo kuti vange vachivhenekwa pamwe nekurapwa izvo zvinoita kuti parambe pachinyuka zvirwere zvepabonde zvisingarapwe pakati pemadzimai sezvo varume vavanopinda navo munyaya dzepabonde vanenge vasiri kurapwa.

Vamwe varume vanongovimba nekuti kana mudikani wavo akaenda kunovhenekwa utachiona hweHIV akaonekwa asina zvinenge zvava kureva kuti naivowo havana.

Amai Mnangagwa vanokurudzira vanhurume kuti vasandure hunhu hwavo maringe nenyaya dzeutano.

“Ikodzero dzenyu varume kuti munge muchivhenekwa utachiona hweHIV kuti muzive pamumire,” vanodaro.

Gungano iri rakarongwa nehofisi yaAmai Mnangagwa (Office of the First Lady), kuburikidza nesangano reNational AIDS Council nevabatsiri varo.

Chirongwa chemhando iyi chiri kutarisirwa kutekeshera kune mamwe matunhu enyika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>