Uncategorized

Murume hutu na‘Mai Matwinzi’

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wekutorerwa murume wake neshamwarikadzi akazochema-chema mudare achiti “BP’ yake yave kugara yakakwira sezvo “small-house” iyi ichimuudza kuti, “. . . ndatakatohwinha murume kudhara”.

Emelde Mugari akamhan’arira murume wake Enil Madzivanzira kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekuda kweshamwarikadzi yake iyi.

Mutongi wedare iri, Talent Nyamwanza akapa Mugari gwaro rinomudzivirira.

Mugari anoti murume wake ari kumudzinga pamba zvose nevana izvo zviri kukonzerwa neshamwarikadzi yaave kudanana nayo.

“Uyu murume wangu kubva 1983, asi akatanga kusanduka paakatanga kudanana naMai Matwinzi vanobika sadza. Anondirambidza kusvika pamba, uye akatodzinga vana. Haachandipawo mari kana kubhadharira vana mari yechikoro.

“Ava nemakore mashanu achidanana neshamwarikadzi iyi, pamakore mashanu aya ndinobatwa nekuseri kwemaoko nemurume wangu,” anodaro Mugari.

Anoti shamwarikadzi yemurume wake iri kutofamba ichiganza kuti murume uyu atova wayo zvachose.

“Mukadzi uyu ave kutofamba achiti, ‘ndakatohwinha kudhara’ zvinova zvinhu zvave kundirovesa hana nemhaka yekuti murume wangu ave kuda kutengesa imba yedu kuti adye mari yacho naMai Matwinzi.

“Ndinokumbira kuti murume wangu andinyare, asandirove, kundidzinga pamwe nevana pamba. Small-house yake haina matyira uye haindiremekedze,” anodaro Mugari.

Madzivanzira anoudza dare kuti hapana shamwarikadzi yaari kudanana nayo.

“Changamire, uyu amhan’ara ndiye oga mudzimai wangu uye ndinomuda,” anodaro.

Anoti vana vake ari kuvariritira uye kuvaendesa kuchikoro.

Share This:

Sponsored Links