Uncategorized

Murume mhere bovo . . .‘Mukadzi wangu Ounza zvikomba’

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MURUME anoshanda sacaretaker pane imwe lodge iri muHarare akabongomora mhere kuchema mudare achiti mudzimai wake anounza zvikomba mumba mavo umo anogara achiona makondomu akashandiswa.

Zvisinei, mudzimai uyu anonzi anoti makondomu aya anounzwa mumba mavo nemakonzo.

Tapera Runganga — uyo anogara nemhuri yake mumba iri palodge apa — ainge aendesa mudzimai wake Atipaishe Phiri kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nechipfambi chaari kuita.

“Changamire, inini ndinoshanda manheru kakawanda kacho. Saka mudzimai wangu anosara achipinza zvikomba zvake mumba medu. Ndinozoona nemakondomu akashanda.

“Ndikamubvunza, anondipindura zvinorwadza kana kundituka. Chimwe chinondirwadza ndechekuti mudzimai wangu ane huchapa, saka ini nevana vangu patinoti titsvaire mumba, ndipo pandinoita mahwekwe nemakondomu akashandiswa.

“Pandinomubvunza kunenge kwabva makondomu aya, anonditi anounzwa nemakonzo mumba medu zvinova zvinhu zvinondirwadza,” anodaro Runganga achibva akwetsura mhere izvo zvinoshamisa vanhu mudare iri.

Anoenderera mberi: “Haandibikire, kundiwachira kana kundibatawo semurume wake. Ndikakumbira kubikirwa, anondituka pamberi pevana zvekuti vana vedu vave kutoziva kuti baba vanotukwa naamai.

“Anogona kubuda mumba zvemazuva mana ndisingazive kuti aripi ini ndichisara nevana. Akamboba mapiro (pillow) emurungu wepatinogara ndikanyara zvikuru ndave kuaona mune imwe kamuri yemba yedu.”

Phiri anopokana nemurume wake achiti ndiye anotoita gumbo mumba gumbo kunze.

“Pamusoroi vadare, inini ndini ndinotoshungurudzwa. Murume wangu anoita zvepfambi uye ndipo pandakatanga kutengesa zvinhu ndaona kuti haachada kuriritira vana. Aitomboda kundidzinga pamba, achindimanikidza zvose zvaanoda. Asi semunhu aisava nekwekuenda, ini ndaibvuma hangu sezvo ndakakura ndiri nherera,” anodaro.

Anoti sezvo murume wake achishandira palodge, panouya vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo.

“Murungu wedu anoita basa rekutora vanhukadzi vanotengesa miviri yavo vachisasana nevarume, nekudaro ndaitobatawo zvinhu zvinosemesa saka ndinoda mari kubva kwaari ndobva ndabva zvangu pamba pake ndoenda kuEpworth,” anodaro Phiri.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Runganga gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>