Kwayedza
Nyasha Bvudzijena
MUSHANDI wekanzuru yeHarare anogara kuLetombo Park anoti ave kugara mumotokari mushure mekudzingwa nemudzimai wake mumba yebasa.
Naison Munyoro akamhan’arira Brenda Muture kudare reHarare Civil Court achida gwaro rinomuchengetedza.
Anoti anobva kubasa husiku achisvikowana mudzimai wake akakiya magonhi ose uye akatochinjisa makii epamba zvinoita kuti apedzisire ave kurara mumota.
Mutongi Tilda Mazhande akapa Munyoro gwaro rinomudzivirira.
“Ndave nemazuva akati kuti ndichirara mumota zvekuti nhumbi dzangu ndimo madziri kugara nekuti ndakadzingwa mumba nemukadzi. Handichaziva kuti ndonogarepi sezvo imba yaari kundirambidza kugara iri yebasa,” anodaro Munyoro.
Anoti mudzimai wake akamurwisa akamubvarura mbatya dzaainge akapfeka mushure mekunge aedza kupinda mumba nechisimba.
“Ndakabvarurwa hembe namai ava pandakapinda mumba zvekumanikidzira mushure mekupedza husiku hwose ndichigogodza pagonhi ndisiri kuvhurirwa asi achitondinzwa,” anodaro Munyoro.
Anoti mudzimai wake akazopedzisira amurwisa nedemo ndokumukuvadza chigunwe paainge achiedza kuzvidzivirira nekudaro haachamuda.
Achipawo divi rake, Muture anoti haapokane nechikumbiro chemurume wake asi haakwanise kubva pamba apa nevana sezvo asina kumwe kwekunogara.